Uncategorized

Murume pfacha mukadzi aine chikomba mudondo

22 Mar, 2019 - 00:03 0 Views

Kwayedza

Kingstone Mapupu
MUDZIMAI ange akaroorwa mubhuku raChitsa, kwaBushu, kuShamva, anonzi akazviuraya nekunwa muchetura nekuda kwenyadzi mushure mekuwanikidzwa nemurume wake ari musango achidya nyika rutivi nechikomba.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reMashonaland Central, Inspector Milton Mundembe, vanoti Danai Mandebvu (41) akakundwa nenyadzi apo akabatikidzwa aine chikomba ndokubva azviuraya.

“Tine mudzimai ainzi Danai Mandebvu uyo aiva mudzimai wemunhu anonzi nemusi wa15 Kukadzi akawanikidzwa nemurume wake, Themba Never Kanyemba (58) ari pakati pesango nechikomba chake Simbarashe Chakanyuka (33) vachipanana bonde,” vanodaro Insp Mundembe.  Vaviri ava pavakabatikidzwa, chikomba chinonzi chakabvuma mhosva pamwe chete naiye mudzimai uyu.

Vanonzi vakawirirana musango umu kuti chikomba ichi chaizobhadhara bhuru remombe kumuridzi wemudzimai.

“Pasina mazuva, chikomba ichi chakaunza mombe iya kumuridzi wemudzimai semuripo, mudzimai uyu akazongoverera pamusha asina kana kumborohwa kana kuvhundutsirwa ndokuzowanikwa akafa anwa muchetura,” vanodaro.

Mandebvu anonzi akaonekwa nemuvakidzani wavo, Norman Chitengwa (40), achitadza kufamba zvakanaka zvairatidza kuti airwadziwa zvikuru apo anonzi akakumbira mvura ndokupihwa akanwa achibva azongodonha.

Nyaya iyi yakazomhan’arwa kukamba yemapurisa yekwaChakonda.

“Mutumbi wemudzimai uyu wakawanikwa usina mavanga uyewo mubhodhi make muine muchetura waakanga asiya,” vanodaro.

Insp Mundembe vanoyambira vanhu kuti vagutsikane newanano dzavo vorega kuita chipfambi.

“Chionai amai ava zvavasvitsa pakufa, asi tinoti nyaya kana dzasvika pakadai, vanhu ngavatsvage vayananisi kungava kumapurisa, kumadzitete, kumafundisi, vatungamiri venzvimbo vakaita semasabhuku nemadzishe vobatsirwa. Dai amai ava vakachidzokera kumusha kwavo pane kuzviuraya,” vanodaro.

Mune imwewo nyaya, mapurisa ekudunhu iri akasungwa mumwe murume nemhosva yaari kupomerwa yekuita muzukuru wake chingochani.

“Tine murume watakasunga wekwaMambo Masembura nenyaya yekuita chingochani muzukuru wake ane makore 15 okuberekwa. Musi uyu anonzi akatokumbira kuvabereki vemwana uyu kuti anorara naye kumba kwake,” vanodaro.

Insp Mundembe vanoti mukomana anonzi akazoitwa chingochani uyu akaenda nemunin’ina wake wemakore 13 okuberekwa kunorara vose kumba kwasekuru vake.

Musungwa uyu anonzi ainyepedzera kutamba nefoni yake kusvikira vana vose ava vakotsira.

“Husiku uhwu, murume uyu anonzi akazoita chingochani kumuzukuru wake uyo akazosvinura achishungurudzwa ndokuedza kurwisa asi akatadza kukurira sekuru vake. Mukomana uyu akazotaurira nyaya iyi kuna baba vake avo vakazoimhan’ara kumapurisa ekuBindura zvakazoita kuti murume uyu asungwe,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>