Uncategorized

Murume tasa vachirwira ‘chimoko’

31 Mar, 2022 - 19:03 0 Views
Murume tasa vachirwira ‘chimoko’

Kwayedza

Kingstone Mapupu

VANHU vaviri vakapondwa muzviitiko zvakasiyana nguva pfupi yadarika kudunhu reMidlands.

Mune imwe yenyaya idzi, murume wekuZhombe akafa mushure mekubaiwa nebanga mudzivo rekurwira musikana.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reMidlands, Inspector Emmanuel Mahoko vanoti nemusi wa25 Kurume nenguva dza11 manheru, Melusi Moyo (21) ainwa doro panzvimbo yemabhizimisi yekwaBobs iri kuZhombe aina Nkosi Moyo naMartin Ndlovu.

Mumwe murume aive panzvimbo iyi, Evans Mamvura (21), anonzi akazotanga kupomera Melusi Moyo mhosva yekumutorera shamwarikadzi yake vachibva vatanga kunetsana.

“Vaviri ava vakatanga kunetsana zvakazopa kuti Mamvura abaye Melusi nebanga kumativi ose ezvidya zvake achibva atiza.

Nyaya iyi yakazomhan’arwa kumapurisa vakauya ndokutanga kuferefeta vachibva vatakura Melusi kumuendesa kuchipatara cheZhombe Mission Hospital uko akasvika achifa.

“Mutumbi wemuchakabvu uyu wakachengetedzwa kuchipatara ichi uchimirira kuongororwa,” vanodaro Insp Mahoko.

Vanoti mapurisa ari kutsvaga Mamvura anobva kuVillage 17 kudunhu raMambo Ntabeni kuZhombe nenyaya yaari kupomerwa yekuponda Melusi Moyo.

Mune imwewo nyaya inodyidzana neiyi, kunzvimbo yemabhizimisi yeDera kuGokwe South kune murume ainzi Wonder Chiduma (27) anonzi akafa mushure mekubaiwa nebanga pachipfuva naBrian Chindozi (18).

“Nyaya iyi yakaitika nemusi wa27 Kurume nenguva dza4 masikati apo vaviri ava vanonzi vakambenge vambonetsana munguva yaiva yadarika vachinwa doro vose. Chiduma anonzi akarova Chindozi, nyaya iyi yakazomhan’arwa kumapurisa,” vanodaro Insp Mahoko.

Mushure mekumbonetsana, vaviri ava vanonzi vakazosangana panzvimbo yemabhizimisi yeDera apo Chindozi aiva nebanga achibva abaya Chiduma kamwe chete pachipfuva achibva angopunzika ndokufa.

“Nyaya iyi yakazomhan’arwa kumapurisa ekunzvimbo iyi, Chindozi achibva asungwa uye ari mumaoko emapurisa achibatsira mukuferefetwa kwenyaya iyi,” vanodaro Insp Mahoko.

Mutumbi wemuchakabvu uyu wakazoendeswa kuchipatara cheGokwe uko wakamirira kuongororwa.

“Senguva dzose, tinokurudzira vanhu kuti vasiyane nekuuraya vamwe voremekedza upenyu uyewo kuti vasiyane nemhirizhonga asi kuti vatsvage vayananisi kana paine zvinonetsa vatadza kuwirirana,” vanodaro Insp Mahoko.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>