‘Murume wangu anokundwa kufaya nezvidhoma’

24 Dec, 2022 - 14:12 0 Views
‘Murume wangu anokundwa kufaya nezvidhoma’ Delia Maina

Kwayedza

Tendai Gukutikwa ari kwaMUTARE

MUNYAYA inotyisa, mudzimai wekwaMutare anoti babamudiki vake vakavhurira zvidhoma zvavo zvine nzara yebonde kwaari nevamwe vanasikana vemumhuri zvekuti pari zvino iye ave kutofarira kushinha nazvo kudarika zvaanoita nemurume wake.

Zvidhoma izvi zvinonzi zvinotomboonekwa uye zvinoda kushereketa zuva nezuva nevanhukadzi vemhuri yekwaMaina iyo inogara kwaChigodora, pedyo neguta reMutare.

Vemhuri iyi vanoti madzimai haachadi varume vavo sezvo vave kunzwa kufadzwa nekugutswa nezvidhoma izvi. Izvi zvakaita kuti vemhuri iyi vaendese baba vavo, Aaron Maina, kudare raSadunhu Chengetai Chigodora neMugovera vhiki rapfuura.

Achipupura mudare iri, Delia Maina anoti haachafadzwi nemurume wake sezvo asina moto sezvidhoma zvaAaron. Akakumbira kudare kuti harahwa iyi ibvise zvidhoma zvayo.

Aaron Maina (ane hembe chena)

“Zvidhoma izvi zvine moto wakanyanya pabonde. Zvinonetsa kuti uzogutswa kana kufadzwa nemurume wako mushure mekushinha nazvo. Dai murume wangu anga ari pano angadai apupura kuti handichafadzana naye sezvandinoita nezvidhoma izvi.

“Zvinorwadza nekuti pakupedzisira murume wangu handichamuona sababa vemumba vakakwana. Zvidhoma izvi zvave kuita kuti ndisade murume wangu, ndinyanye kuzvida izvo,” anotsanangura Delia.

Akakumbira Sadunhu Chigodora kuti vaudze Aaron kuti asunungure mhuri iyi kubva kuzvidhoma izvi.

Mumwe wemumhuri iyi, Eunice Maina, anoti Aaron akauraya baba vake (mukoma wake) uye akatandira mweya wemunhu akafa kwaari.

Anoti anorota hope dzinotyisa dzababa vake naAaron, asi akaenda kuna Aaron anoramba kutaura naye.

Anoti zvidhoma zvaAaron hazvinete kana pari pakushereketa navo.

“Ndakaenda kuna babamudiki vangu kakawanda ndichivakumbira kuti vatibatsire asi vanorambisisa vachiti vanoita zvekunamata, muKristu. Ndiri nhapwa yebonde kuzvidhoma zvavo.

“Izvi zvinhu zvava kuzivikanwa nemunhu wose mubhuku medu. Ndiri kuita matambudziko muwanano yangu nekuda kwazvo.

“Hazvisi kusiya chero hanzvadzi dzedu nekuti vazhinji vacho havasati varoora nanhasi,” anodaro.

Zvisinei, Aaron anoti mhuri yake haina kumbobvira yauya kwaari ichibvunza nezvenyaya iyi.

Anoti akazvipira kuenda kumaporofita kunogadzirisa nyaya iyi.

Aaron anoti haana kumbobvira atora zvidhoma achiti iye muKristu akazara asingabvume mune zvemishonga kana zvechivanhu, asi kuti minamato chete.

“Vana ava vari kunyepa. Havana kumbobvira vauya kwandiri nenyaya dzose dzavari kutaura idzi. Ndekekutanga kunzwa vachitaura mashura akadai aya nenyaya dzezvidhoma.

“Dai vakauya kwandiri ndingadai ndakabatana navo takaenda kumaporofita ekuchechi kwangu. Ndingasiireiko vanhu vemumhuri mangu vachitambura? Hazvirevi chinhu, vanofanira kutaura chokwadi mudare muno,” anodaro.

Mwanakoman waAaron, Liberty, akaudza dare kuti mumhuri mavo vava kugara vachinetsana nenyaya yezvidhoma izvi.

Asi anoti zvakaipa kuti vamwe vemhuri yavo vapomere baba vake panyaya yezvidhoma.

“Mhuri imwe neimwe ine zvinoinetsa. Tinofanira kugara pasi semhuri totsvaga nzira yekugadzirisa nyaya idzi. Baba vangu havafanire kuita munhu wekungopihwa mhosva.

“Matambudziko agara ariko asi tinofanira kubatana,” anodaro Liberty.

Sadunhu Chigodora vakaudza Aaron nehanzvadzi dzake kuti vagadzirise nyaya iyi.

“Budai pachena mubatsire vana ava. Kana zvichireva kuti mobatsira mhuri iyi nekuda kwezvidhoma izvi, itai sekudaro mobuda pachena nekutaura chokwadi kana murimi muridzi wazvo.

“Ndichakupai mutongo wakaomarara kana ndikati titsvage vechivanhu mukabatwa nemhosva. Maitiro amuri kuita muri kuratidza kuti muri kuda kuvanza chokwadi.

“Pari zvino tichiri kuita zvekufungidzira asi tichatsvaga vechivanhu. Gadzirirai kudzosera zvidhoma zvenyu,” vanodaro Sadunhu Chigodora.

Nyaya iyi ichadzoka mudare nemusi wa7 Ndira, 2023. Mushure meizvi, mhuri iyi ichafamba kun’anga vachibatsirwa nemachinda aSadunhu Chigodora.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey