Uncategorized

Murume wekushinha nechitunha opika

16 Apr, 2021 - 11:04 0 Views
Murume wekushinha nechitunha opika Big Sipiliano

Kwayedza

Prosper Dembedza

MURUME wekuEpworth – uyo akashinha nechitunha parufu kutanga kwegore rino – akatongerwa kufondoka kwemaawa 315 pasina mubhadharo pakamba yemapurisa yeko.

Mutongi Sheunesu Matova wedare reHarare Magistrates Courts akatonga Big Sipiliano pasi pemutemo wekutyora kodzero dzechitunha (violating a corpse) asi pakupa mutongo akaongorora akaona kuti murume uyu apara mhosva kekutanga.
Zvakaonekwa zvakare kuti musungwa ane mhuri nekudaro anofanira kuiriritira.

Dare rakaonawo kuti Sipiliano akatadza kukoshesa kodzero dzechitunha zvisinei nekuti akanga akapfeka nhumbi paakapara mhosva iyi asi hazvitenderwe pachivanhu kuti munhu anoita zviratidzo zvekuda kuita bonde nechitunha kana kuita bonde nechitunha.

Pamhosva yekutanga, Sipiliano akatongerwa kugara mujeri mwedzi mitanhatu asi chirango ichi chakasendekwa padivi chose ndokunzi anofanirwa kufondoka kwemaawa 210 pasina mubhadharo paEpworth Police Station.

Pamhosva yepiri, Sipiliano akatongerwa kugara mujeri kwemwedzi mishanu apo miviri yakasendekwa padivi achinzi haafanire kupara imwe mhosva yerudzi urwu uye mwedzi mitatu yakange yasara yakasendekwa padivi zvakare ndokunzi anofanirwa kushanda pasina mubhadharo kwemaawa 105 pakamba yemapurisa imwe chete iyi.

Sipiliano, uyo anogara paKB169 Jacha, kuEpworth, anoramba mhosva iyi pamberi pedare achiti haana kumbobvira ashinha nechitunha.

Vachuchusi, Muzvare Shambidzani Fungura naVincent Chidembo, vakaudza dare kuti musi wa2 Ndira gore rino, nyakufumura nyaya iyi aivawo parufu nevavakidzani vari mumba maiva nechitunha.

Sipiliano akafugura chitunha ndokutaura kuti chero akafa, mukadzi uyu aingoratidza kuti akanaka. Ndipo paakabva arara pamusoro pechitunha ichi.

Nyaya iyi yakamhan’arwa kumapurisa zvikaita kuti Sopiliano asungwe ndokuendeswa kumatare edzimhosva.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>