Uncategorized

Murwere odzingwa pamusha

03 Jun, 2021 - 12:06 0 Views
Murwere odzingwa pamusha

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

MURUME wekuBikita, kuZaka, mudunhu reMasvingo — uyo ava nemakore 11 achirarama nehutachiona hweHIV — anoti haasisina rugare zvichitevera kushungurudzwa kwaari kuitwa nemukoma wake uyo akamudzinga pamba zvekuti ava kungogara panzvimbo dzisina kuti tsvetere muguta reHarare.

Kufa Murambiwa (39) anoti aigara achirohwa, kutukwa nekunyimwa chekudya nemukoma wake (zita tinaro).

Anoti mukoma wake uyu akambopika jeri kwemakore manomwe uye paakadzoka kubva kujeri akamudzinga pamusha nokuda kwekutya kuti anozotora nhaka yemusha sezvo ari iye gotwe mumhuri mavo.

“Amai vangu vakashaya mumwedzi waKubvumbi gore rapera, ndipo pakasara poita hondo huru apo mukoma wangu akabuda mujeri achiuya kumusha.

“Iye anoziva kuti setsika yedu yechivanhu, gotwe ndiro rinosara pamusha ivo vakuru vachifanira kuenda kunovaka kwavo.

“Saka aigara achindirova nezvibhakera, pamwe pacho ndikapotswa nefoshoro mumusoro. Ndipo pandakazopata musha ndava kutizira kuHarare,” anodaro.

Murambiwa anoti muHarare ari kungogara padzimba dzeshamwari idzo dziri kumuchengeta kwekanguva kadiki.

“Dambudziko guru ravapo nderekushaya pekugara pari nani, kukundikana kuwana mishonga yangu yemaAnti-Retroviral Drugs (ARVs) sezvo muzvipatara zvose zvandakaenda zvinobvira Mutare, Marondera neHarare Central Hospital (Sally Mugabe Hospital) vari kuti vanoda matsamba anoratidza kuti ndakabva kumusha uye ndava kutorera kuno (transfer letter).

“Matsamba iwayo handina nekuti kumusha ndakabva ndichiita zvekutiza neupenyu hwangu. Ndatova nemwedzi inodarika mitatu ndisiri kutora mishonga yangu uye ndine dambudziko reitsvo, imwe yacho haichatoshanda saka pari kudiwa mari yekuti ndiende kunogezwa itsvo (dialysis).”

Murambiwa anoti ane fungidziro yekuti hutachiona hweHIV uhu anogona kunge akahuwana kubva kune mumwe mudzimai waakambogara naye uye haana mwana.

Pamutemo, imhosva kushungurudza munhu nenzira yekumurova kana kumutukirira uye nyaya dzerusarura kuvanhu vane HIV hadzitenderwi.

Vangangada kubatsira Murambiwa vanomubata panhare dzinoti +263 784947531 kana +263 718560434.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>