Uncategorized

‘Musafambe nezvombo zvinokuvadza’  

06 Nov, 2021 - 07:11 0 Views
‘Musafambe nezvombo zvinokuvadza’  

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) – zvikuru kunzvimbo dzinoti Kwekwe neGokwe kudunhu reMidlands – vokurudzira veruzhinji kuti vasiyane netsika yekufamba vakatakura zvombo zvakasiyana-siyana zvinokuvadza uye izvi zvinotevera kuwanda kunonzi kuri kuita kuparwa kwemhosva pachishandiswa zvombo izvi.

Zvombo zviri kurambidzwa vanhu kufamba vakatakura zvinosanganisira machetes, tsvimbo, mapanga makuru nemadiki, mapfumo, rekeni nematemo.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reMidlands, Inspector Emmanuel Mahoko, vanoti mutemo uyu wakaiswa zvichitevera kuwanda kwemhosva dzekupondana nekuba vanhu vakapaka uyewo nekubatwa kwemadzimai chibharo.

“Tinokurudzira ruzhinji kuti vatevedzere mitemo iyi inochengetedza kugadzikana kwerunyararo nekubatsira veruzhinji kubva kunhubu. Tinoda kuti vose vanowanikwa vakatakura zvombo izvi nyaya idzi dziziviswe kumapurisa vanhu vosungwa. Vanowanika vachityora mutemo uyu  vanogona kuendeswa kujeri kwenguva inosvika mwedzi mitanhatu kana kubvisiswa faindi yemari inofambirana,” vanodaro Insp Mahoko.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>