‘Musangochema asi zvishandirei’

21 Jan, 2021 - 11:01 0 Views
‘Musangochema asi zvishandirei’ Bridget Mudota

Kwayedza

Muchaneta Chimuka 

PANGUVA iyo veruzhinji vari kuita sevanochema-chema nekuda kwematanho akatorwa neHurumende ekuti vanhu vambogara kudzimba senzira yekurwisa kupararira kwechirwere cheCovid-19, mumwe mudzimai anogara mumaAvenues, muguta reHarare, anoti bhizimisi rake rekuruka mhete nezvimwe riri kuendeka zvikuru apo ari kuzvishambadza pamadandemudande sepaFacebook neWhatsApp.

Bridget Mudota – uyo aimbova mutori wenhau – anoti hazvibatsire kuti veruzhinji vangochema nekuda kwematambudziko ari kukonzerwa neCovid-19, asi kuti vatore mukana uyu kusimudzira mabhindauko avo.

“Ndakatanga bhizimusi iri mumwedzi waKurume 2018 uye ndinoruka midziyo yemicheno semhete, chuma chemuhuro, chemuchiuno nemumakumbo, pakati pezvimwe. Bhizimusi iri ndakaritanga mushure mekunge ndasiya basa kwandaishanda ndokuenda kunofundira basa iri kwezuva rimwe chete,” anodaro.

Mudota anoenderera mberi achiti, “Ndakatanga ndichitengesera vanhu kumachechi asi iko zvino ndava nemakasitoma emuno neekunze kwenyika kubudirikidza nekushandisa ruzivo rwechizvino-zvino rwemasaisai mukushambadza basa rangu. Munguva ino yekunzi vanhu vagare kudzimba, handimbooni shanduko yakanyanya nekuti basa rangu rinofamba zvikuru chero ndiri mumba zvekuti ndinotokaruka kunze kwadoka ndiri mushishi kutunga chuma changu vanhu vanotenga vachingodaidzira.” 

Mudota anoti gore rapera pakanyuka chirwere cheCovid-19, upenyu hwakambomuomera.

“Ndakambopinda panguva yakaoma apo vatengi vakanga vasisawanikwe nyore nekuti vaitofanira kusvika kumba kuti vazoona zvinhu zvandinogadzira asi nekuda kwechirwere cheCovid-19, munhu wose aisungirwa kugara kumba kuti chisapararire.

“Saka nguva ino yechikamu cheLevel Four cheLockdown, ndiri kutoshandisa mukana uyu mukugadzira mhete dzakawanda ndichizvishambadza paFacbook neWhatsApp nekuti zvakakosha pane kuti vanhu vauye kuzoona zvigadzirwa zvangu,” anodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>