‘Musangomirira kuimba bedzi’

26 Jan, 2022 - 16:01 0 Views
‘Musangomirira kuimba bedzi’

Kwayedza

Abel Ndooka

MUIMBI wenziyo dzechitendero – Blessing “Muroti” Gomo – ari kukurudzira vamwe vaimbi kuti vasagarire pfungwa, asi kuti vashandise maoko avo mukuita mabhindauko ekuzviraramisa nemhuri dzavo zvichitevera kukanganiswa kwaitwa chikamu chezvemimhanzi neCovid-19.

Gomo anoti kuuya kwakaita chirwere cheCovid-19 kwamudzidzisa kuti haafanirwe kungomirira kuita zvemagitare chete, asi kuti anotofanirwa kushanda nesimba mukuita mabasa akasiyana anomupa mari yekuzviraramisa nemhuri pamwe nechikwata chake.

“Kuuya kwakaita denda reCovid-19 ndakadzidza kuti mararamiro edu atave kuita iye zvino zvatosiyana nekare, zvakatoshanduka. Saka zvinoreva kuti hatichafanirwa kungomirira magitare chete.

“Ngatishandisei maoko edu sevaimbi uye ngatibatane tiite mushandirapamwe muupenyu hwedu. Tishande mabasa akasiyana tichisimudzirana panguva yakaoma kudai,” anodaro Gomo.

Pari zvino muimbi uyu ari kunetsa nekambo kanonzi Ngoma Yemugidhi kaakaimba naObert “Mebo” Chari ako kari kutambirwa zvikuru nevatsigiri vemimhanzi.

Anoti zvakakosha kuti vaimbi vabatane mukutsikisa mhanzi sezvo zvichibatsira mukukura kwechikamu ichi.

“Makore andapinda mune zvemimhanzi ndakazviona kuti zvakakosha chaizvo kubatana sevaimbi sezvo zvichitibatsira tose kukura. Ngatiitei mushandirapamwe nekuti zvinosimbaradza hukama hwedu sevaimbi uye mhanzi yedu inonyatsosvika kune vatsigiri vedu.

“Kubva ndichitanga kupinda mune zvemimhanzi, ndashanda nevaimbi vanosanganisira Mathias Mhere, Obert Chari, Trymore Bande naDaniel Mhere. Vaimbi vose ava dzave hama dzangu zvekuti tinovakana muupenyu tichiratidzana gwara rekufamba naro iro rinotibatsira kuti tose tikure,” anodaro Gomo.

Muimbi uyu ane dzimwe nziyo dzakanetsa dzinosanganisira Muroti Wauya, Baba VaJatiwero, Check My Records, Upgrade, Hossana naMutsvene iyo akaimba naBande.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>