‘Musangozhamba’

15 Oct, 2020 - 11:10 0 Views
‘Musangozhamba’ Esther Murinyu Mawere

Kwayedza

Abel Ndooka

VATAMBI venhabvu nemimwe mitambo yakasiyana-siyana vokurudzirwa kuti vasagarire maoko asi kuti vaite mabhindauko anovararamisa zvichitevera kumiswa kwakamboitwa mitambo yose nechinangwa chekurwisa kupararira kwechirwere cheCovid-19.

Kurudziro iyi yakaitwa neaimbove mutevedzeri wasachigaro weDynamos FC, Esther Murinyu Mawere, achiti panguva ino vatambi venhabvu vazhinji vari kuchema-chema vachiti hupenyu hwavaomera sezvo mutambo uyu, uyo unovawanisa mari, usiri kutambwa.

“Vatambi vazhinji venhabvu kana vachiwana mari vanongoirakasha chete asi vachikanganwa kuti vanofanira kurongera remangwana ravo. Zvino nekuuya kwakaita Covid-19 zvapa chidzidzo chekuti vanofanira kugadzirira remangwana ravo.

“Tiri kusangana nevamwe vanenge vachizhamba vachiti tioneiwo amai zvinhu zvakaoma. Ipapo ndiri kubva ndavaudza kuti ngavatange tumabhindauko twekuita tunovapa mari twakafanana nekugadzira kana mamasiki chaiwo ekudzivirira Covid-19. Kungotenga jira rake munhu osonesa mamasiki aye omadhindisa kana mabheji ezvikwata zvakasiyana otanga kutengesa, anotowana kamari kake kakanaka pane kuswera vachingokumbira mari. Munhu gona kuzvishandira uye kuchengetedza mari yako,” anodaro Mawere.

Anoti shanduko huru iri kudiwa kuonekwa munhabvu yemuno kuitira kuti inyatsofamba zvakanaka.

Mawere anoti zvakakoshawo kuti zvikwata zvenhabvu zvipote zvichigara pasi nevatambi vazvo nguva dzose vachionesana mafambiro anenge achiita zvikwata izvi kuitira kuti pasazoita bopoto rinozokonzeresa kuti vatambi vapedzisire vave kuramwa kutamba nhabvu nekuda kwemari.

“Chandakaona panguva yandaive munhabvu ndechekuti hutungamiri hwezvikwata zvakasiyana vanongoronga zvavanenge varonga voga asi vasingabvunze kuvatambi vavo kuti zvinoita here. Manje mune remangwana zvikasazofamba zvakanaka ndipo panozotanga kuita makakatanwa asingaperi aye.

“Pose panorongwa nhau dzose dzine chekuita nechikwata, dzingave nyaya dzemari, vatambi ngavamirirwe mumusangano imomo kana nakaputeni wechikwata chacho, ndiye anoenda achinoudzawo vamwe vake kuti tiri kufamba nenzira iyi. Manje kana vasingamirirwewo mumusangano wacho ndipo pakuzoita makakatanwa vatambi vozotanga kuramba kutamba nhabvu nenhau yemari. Saka zvinofanira kugadziriswa kuti tisarambe tichinzwa nyaya dzekunetsa muzvikwata zvine chekuita nemari,” anodaro Mawere.

Mawere akaita mudzimai wekutanga kupinda mubhodhi reDynamos kubva pakavambwa chikwata ichi mugore ra1963 uye aimbove sachigaro weDynamos Chegutu Chapter.

Iye zvino ari kushanda ari pyschologist uye ndiye mutungamiri wesangano reZimbabwe Women in Health.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>