Uncategorized

Musashandise fetireza: N’anga‘. . . midzimu inotsamwa’

05 Jan, 2018 - 00:01 0 Views
Musashandise fetireza: N’anga‘. . . midzimu inotsamwa’

Kwayedza

Kingstone Mapupu
N’ANGA ine mukurumbira kudunhu reRushinga inoti pachivanhu, kushandiswa kwefetiraiza nemishonga yekuuraya tumbuyu pakurima hakutenderwe sezvo zvichitsamwisa midzimu.

VaEveristo Nhete (66), avo vanozivikanwa nezita remadunhurirwa rekuti Sekuru Chiyokoto, vanoti pasichigare fetireza yaisatenderwa kushandiswa pakurima asi kuti varimi vaisevenzesa mipfudze inobva mumatanga ezvipfuyo nemurakwani unowanikwa kana mashizha emiti aworera musango.

Sekuru Chiyokoto vane misha miviri – inoti uri kwaSabhuku Meki, kwaMambo Makuni kuRushinga neuri kwaChikowo, kwaMambo Kalopola kuTete, kudivi reMozambique.

“Ndini svikiro guru ndinogadzirisa chivanhu muno, vamwe vose vanototevera kumashure kwangu. Hatishandise feteraiza muno, kana mishonga yekumwaya muzvirimwa nekuti midzimu yedu inozotsamwa.

“Tinosevenzesa manyowa emumatanga emombe nemadororo ehuku uye tikadaro mvura inonaya zvisina matambudziko, isina mheni inorova vanhu. Zvakare hatizosangana nemharadzi muminda yedu semakonye, tsoko kana makudo nedzimwe mhuka dzesango hamumbodziona dzichidya zvirimwa,” n’anga iyi inoudza Kwayedza.

Sekuru Chiyokoto (vechitatu kubva kuruboshwe) vari mumunda wedonje nemhuri yavo

Sekuru Chiyokoto vanoti kana varimi vekumatunhu kwavanomirira kudivi reMozambique nevekuZimbabwe vave kuda kushandisa fetireza nemishonga iyi, vanofanirwa kukumbira kwavari semhondoro huru.

“Midzimu ikataura zvainoda, ngazvitevedzwe. Ndizvo zvinoita kuti tirambe tiri vanhu. Saka zvekuisa fetireza nemishonga yekuuraya zvimwe zvisikwa muzvirimwa kuno hatiite. Tinongotaurira vadzimu kuti hatidi hudyi, haumbofa hwakauya. Kungodaro bedzi, munoona mvura ichinaya uye tikadaro tinodya tichiguta.”

Sekuru Chiyokoto vanoti zvirimwa zvemudunhu ravo zvikangoiswa mafetireza bedzi, mvura inobva yarega kunaya, izvo zvotsva kureva kuti midzimu inenge yatsamwa.

“Muno munomboita mbeva dzakawanda zvikuru idzo dzinodya zvirimwa nemamunye uye shiri dzechimokoto. Munoona kana tsuro chaidzo nedzimwe mhuka dzichiparadza zvirimwa imi mofunga kuti imhuka nyambisirwa midzimu inenge yatsamwa,” inodaro n’anga iyi.

Sekuru Chiyokoto vanoti semukuru wemasvikiro, havabvumidze kuti Zhizha ritange vasina kuita mukwerera, unova mutambo wedoro rinobikwa nemachembere dzakaguma kubereka nevana vasina zvavanoziva nechinangwa chekukumbira mvura.

“Tinoenda kuDendemaro kusango rekwaJangwa imo muno uko tinopira midzimu yedu uyezve chisi chedu muno mazuva a28 na29 mwedzi woga-woga. Hakuna anopinda mumunda,” vanodaro.

Zvisinei, kurudziro yen’anga iyi inopesana zvikuru nedonzvo reHurumende rekusimudzira varimi kuburikidza nezvirongwa zvakaita seCommand Agriculture izvo zvakananga kusimudzira mabasa ekurima kuti Zimbabwe ive nemaguta apo varimi vanopihwa mafetireza nemishonga yekuuraya tumbuyu.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>