Uncategorized

Musati zvareverwei!

13 Jun, 2014 - 00:06 0 Views

Kwayedza

Ndozvireva naMukwende Washe
WANGU muromo ndimandiuraisa, uzere mhosva dzega-dzega. Unonotapurana nezvimwe zvinozobvunzwa navamwe kuti zvarevererwei.
Ndotanga nomuno muZimbabwe. Mapurisa ngavatiudze kuti iye munhu anonzi Madzibaba Ishmael (Mufani) Chokurongerwa vari kutomushaya chokwadi, ivo vari shasha dzokumbobata makororo?

Mazuva atofamba vachimutsvaga, wobvunza kuti vanhu vari kurasika papi? Kune dzimwe nyika imhosva huru kuchengeta kana kuvanza munhu ari kutsvagwa nemapurisa. Vanopedzisira voti wadziya moto wembavha, kana newewo watove mbavha.

Ndizvo zvatinotarisira kuti zvichaitwa neZimbabwe Republic Police kuyambira vanhu vanoviga vapari vemhosva.
Ishmael pane paari kuchengetwa bedzi, achitodya sadza rinopisa, vateveri vake vakasungwa vachikwangwaya mujeri. Zviri kuvanhu kubatsirana nemapurisa kuti munhu uyu abatwe. Ndiye aitungamirira sangano. Dai aiva nehanya nenhengo dzesangano rake, dai akazvipira kumapurisa kuti chokwadi chibude pachena. Shoko raMwari rinoti kutya Mwari ndiwo mavambo oruzivo!

Svondo rapfuura ndakabvunzawo kuti kana pasangano (pakirawo) pave kuimbwa nziyo dzakafanana na“Hondo yepfumo neropa”, zvinenge zvamboita sei? Zvinenge zvichiri zvechinamato here, kana kuti vanhu vari kutoronga zviri pasi pasi kunge mudzi?

Vanhu vanoda kuziva chokwadi nokuti vangafunga kuti pese paunganwa pane chinamato, ipo pari kurongwa zvinorova.
Pane nzvimbo dzave kungonzi chechi, asi vanoziva mavambo echechi muBhaibheri, vanoziva kuti chechi yaKristu Jesu haina zvese zviri kutaurwa nokuitwa mumasangano mazhinji.

Hazvisi zvamapositori chete! Zita rokuti “chechi” rave kungoshandiswa kuvhara huori nohuipi huri mumamwe amasangano.
Munyaya dzechinamato mave kubudawo makunun’unu: kubiwa kwemari, kubata madzimai navasikana chibharo, twumitemo-temo nezvizhinji zvave kuita kuti tibvunze kuti chinamato chanangisa vanhu kudenga here, kana kuti kune zvinamato zvave kupinza vanhu munzira yeGehena?
Chingave chinamato here kana vanhu vachigara vachigunun’una? Chinamato ave makwikwi here, uyewo chave kunamatwa vanhu here kana kuti Mwari?

Ukapinda mumakereke mazhinji, zvave kususukidzwa ndezvokuita minana, mari neyavanoti “bling-bling”.
Minana inosusukidzwa neMweya Mutsvene haina kuipa nokuti Kristu Jesu vakasiya varaira kuti padzidziswa shoko, vanhu vakatenda, panotofanirwa kuteverwa neminana nezviratidzo.

Asi, mimwe minana yanhasi yave yokuti kana ngana achizviita, neniwo ngandizvigonewo kuitira kuti vazhinji vandiunganire.
Makuhwa anoti vamwe vari kunoromba, vouya voita minana vari muchechi.

Chokwadi chichabuda pachena, asi nerimwe divi vanhu vari pamakakatanwa kuti pasvika pokuti Hurumende ipindire, ipe machechi gwara. Vanamati vanozvida here?

Zvimwe zvanetsa panyaya dzechitendero ihondo dzezvitendero dziri kumuka mune dzimwe nyika muAfrica nemhiri kwamakungwa. Zuva nezuva hapashaye kufa kana kukuvara vanhu vachirwisana nenyaya dzezvitendero: chiKristu nechiMoslem.

Kunyika dzakafanana neKenya, Somalia, neNigeria nevavakidzani vadzo, hondo yacho yasvika padanho rinofanirwa kuvhundutsa Africa. Vakatanga vari vanhu vakabatana asi nhasi uno kusawirirana kwavo kwazvara mapato evapanduki.

Nigeria, Kenya neSomalia kunyanya ndidzo nyika dziri munhau zuva nezuva. Vapanduki vechiMoslem, veBoko Haram vave shaisa-mufaro kuNigeria nenyika dzakaita seCameroon, Chad, Niger neBenin. Vari kuuraya vanhu nenzira dzechigandanga, nerimwe divi vachipamba vanasikana.

Hongu mhiripiri inovava waitsenga, asika nhamo dzeAfrika dzonotongwawo nenyika dzakange dzakapamba Africa here? Africa yapindwa nei kuti musangano wechipiri wokuona zvokuita neBoko Haram wonoitirwa zvakare kuEurope?

Takambofunga kuti musangano wokutanga wakaitwa muguta reParis musi wa17 May, uchataridza dunhu reAfrica kuti handizvo.
Asi svondo rino mumwe musangano uri kuitwa muguta reLondon, kuBritain. Musangano uchapindwa namakurukota anoona nezvokunze vokuNigeria, Cameroon, Chad, Benin neNiger. Britain, America, France, Canada neEuropean Union vanenge varipowo. Hapana vamwe vamiriri veAfrica vakataurwa kuti vachavepo.

Kana zvadai, tobvunza kuti Boko Haram vari kuuraya nokupamba vanhu vokuEurope neAmerica here kana kuti vomuAfrica?
Ndati, musazoti zvareverwei!

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>