Uncategorized

Musavhunduke zvenyu: Hurumende

10 Dec, 2020 - 00:12 0 Views
Musavhunduke zvenyu: Hurumende Sen Mutsvangwa

Kwayedza

Muchaneta Chimuka
HURUMENDE inoti zvisinei nekuti chirwere cheCovid-19 chiri kunyuka muzvimwe zvikoro, huwandu hwenyaya dzerudzi urwu dzazivikanwa kusvika pari zvino huchakaderera nekudaro veruzhinji havafanirwe kuvhunduka.

Vachitaura kuvatori venhau mushure memusangano wedare reCabinet muguta reHarare, gurukota rezvekuburitswa kwemashoko nenyaya dzenhepfenyuro — Senator Monica Mutsvangwa — vanoti nyaya zhinji dzeCovid-19 muzvikoro kusvika pari zvino ndedziya dzevarwere vasina zviratidzo (asymptomatic).

“Muzvikoro pari zvino nyaya dzechirwere ichi dzava kusvika 332, zhinji dzacho hadzina zviratidzo uye vakabatwa nacho vari kupatsanurwa kubva kune vamwe vachibatsirwa nechikwata cheRapid Response Team mumatunhu iwayo,” vanodaro.

Sen Mutsvangwa vanoenderera mberi vachiti, “Cabinet inoda zvakare kuvimbisa veruzhinji kuti huwandu hwevadzidzi nevarairidzi vawanikwa vaine chirwere cheCovid-19 kusvika pari zvino kubva pavadzidzi 4,5 miriyoni nematicha 121 272, huchakaderera zvikuru. Nharaunda dzechikoro dziri kuramba dzichiongororwa zvakare nechinangwa chekurwisa chirwere ichi.”

Sen Mutsvangwa vanoti zvakakosha kuti veruzhinji varambe vachitevedzera matanho akatarwa ekurwisa kupararira kwedenda iri.

Kusvika nemusi weChipiri chino, vanhu 10 912 vakange vawanikwa vaine hutachiona hwecoronavirus uho hunokonzera chirwere cheCovid-19 muZimbabwe mushure mekuvhenekwa.

Pavarwere ava, 9 062 vakatopona asi vamwe 303 vakafa.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>