Uncategorized

Musayambuke nzizi dzakazara: ZRP

26 Feb, 2021 - 12:02 0 Views
Musayambuke nzizi dzakazara: ZRP Asst Comm Nyathi

Kwayedza

Kingstone Mapupu
MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ari kuyambira veruzhinji kuti vasiyane netsika yekuyambuka nzizi dzizere nemvura sezvo zviine njodzi yekuti vanogona kuyeredzwa kana kurumwa nezvikara.
Yambiro iyi yakapihwa nemutauriri wemapurisa munyika, Assistant Commissioner Paul Nyathi, zvichitevera vanhu 59 vanonzi vakafira mumvura munyika yose mumwedzi waNdira gore rino bedzi kana zvichienzaniswa ne71 vakafa panguva imwe chete iyi muna2020.
“Zvakaonekwa kuti vanhu vakawanda vakafira mumvura mumwedzi waNdira gore rino ra2021 varume avo vanokwana 49 kana zvichienzaniswa nevanhukadzi vanongova gumi chete.
“Vanawo vari kuny’ura vachitambira padyo nemvura kana kutuhwinha mumadziva. Saka tinokurudzira vabereki nevanogara nevana kuti vavachengetedze,” vanodaro Asst Comm Nyathi.
Vanoti gore rapera, vanhu 483 vakayeredzwa nemvura muZimbabwe.
“Iyambiro yedu semapurisa kuruzhinji kuti vasiyane nekuyambuka nzizi dzizere nemadhamu ane mvura yakawanda uyewo tiri kukurudzira kuti vanhu vavhare matsime ari pamisha yavo nekumapindu. Tarasikirwa nevanhu vakawanda nekuda kwetsaona dzekuyeredzwa nekuny’ura mumvura,” vanodaro.
Vanoti vanhu 483 vakayeredzwa nemvura munyika yose kubva mumwedzi waNdira kusvika Zvita gore rapera kana zvichienzaniswa neva411 vakafira mumvura muna2019 panguva imwe chete iyi.
“Mukati metsaona idzi dzinokwana 483 dzakaitika mugore ra2020, 26 dzakaitika muguta reHarare, 7 kuBulawayo, Midlands (54), Manicaland (55), Masvingo (30), Matabeleland North (30), Matabelaland South (31), Mashonaland East (58), Mashonaland Central (70) ne97 kuMashonaland West,” vanodaro Asst Comm Nyathi.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>