Uncategorized

‘Mushanyi Dada akashinha’…Midzimu yeNyanga yonzi yakatsamwa

05 Dec, 2014 - 09:12 0 Views
‘Mushanyi Dada akashinha’…Midzimu yeNyanga yonzi yakatsamwa ZAYD Dada nemudzimai wake

Kwayedza

ZAYD Dada nemudzimai wake

ZAYD Dada nemudzimai wake

MUSHANYI wekutsakatika mumakomo anoyera eMount Nyangani, kuNyanga muna Ndira wegore rino, ari kunzi nevakuru venzvimbo iyi akashinha nemudzimai wake mugomo iri izvo zvakazokonzera kuti atetereke.

Sadunhu Fungai Mushonga-Saunyama (39), vekwaSaunyama kuNyanga, vanoti Zayd Dada (31) akatetereka apo akange apedza kushereketa nemudzimai wake mumakomo anoyera aya. Vanoti midzimu nemasvikiro zvenzvimbo iyi hazvitendere kuita kwakadai.

Kusvika pari zvino Dada haasi kuzivikanwa kuti akamedzwa nei mushure mekunge atsvagwa akashaikwa.

“Pane mashoko akawanda akaburitswa nevenhau, ekuti takanga tava kuda mombe dzakawanda kuti mushanyi uyu abude. Hakuna zvakadaro, nyaya chaiyo yakaitika ndeyekuti murume uyu akatanga ashinha nemudzimai wake ndokubva vaonekana izvo zvakatsamwisa midzimu yemugomo iri achibva atetereka,” vakadaro.

Dada anonzi aiva nevamwe vatatu, kusanganisira mudzimai wake, avo vanonzi vakati vakange vaneta nekukwira mugomo iri asi iye ndokuenderera mberi mushure mekuita zvebonde nemukadzi wake.

Gomo iri ndiro rakareba kudarika mamwe ose muZimbabwe, richisvika mamita 2 592 uye rinonzi nevakuru veko rine ninga dzinoyeresesa. “Gomo iri riri mumasango eNational Parks umo isu vekwaSaunyama tinoenda tichinoita chivanhu chedu. Munodonha chando nekuitika zvishamiso zvakawanda, kusanganisira kuona miti ine mazamu, mazinyoka anongopesana nevanhu nezvimwe zvakawanda,” vakadaro Sadunhu Mushonga-Saunyama.

Kukwira gomo iri zvinonzi zvinoda nguva inodarika maawa maviri uyewo kudzika zvichidawo nguva inodarika awa rimwe chete.

“Kune vanhu vane chitsama vakatsakatika mugomo iri, vemuno nevekunze, kusanganisira nevana vaviri vevaimbove gurukota reHurumende (VaTichaendepi Masaya). Mune masango akawanda nemichero zvekuti ukadya kana ukanzwa zvichivava haufanirwe kutsiura. Pane mumwe akanga arasika wemuno uyo takazoita chivanhu akabuda mushure memazuva maviri,” vakadaro.

Vanoti dambudziko riripo nderekuti kudai pagomo iri pasina kuiswa vashandi vanochengetedza veParks and Wildlife Management Authority avo vavanoti ndivo vari kurasa chivanhu chavo.

“Izvozvi tine vedzinza redu vatakaisa munzvimbo iyi vanoshanda nevarindi veNational Parks. Saiyeyu akazotsakatika uyu anonzi akanzi abhadhare kukanganisa nekusvibisa kwaakanga aita nzvimbo iyi akaramba. Mugomo iri hamunongedzwe nemunwe kana kuti nezvigunwe asi kuti unopfumba chibhakera kana uchida kunongedza chinhu,” vakadaro.

Vanhu vekwaSaunyama vanoyera Mheta kana kuti Mbeva.

Gomo iri rinobata nzvimbo dzemadzishe anoti Saunyama, Tangwena naMutasa uye ndimo munoteurirwa midzimu yeko.

Sadunhu Mushonga-Saunyama vanoti nguva yadarika vakaripisa mumwe mudzimai wemunhu uyo vakabatikidza achishinha nechikomba chake mumasango emugomo iri.

Asi sezvo vachiti kuita izvi chipini, uye ndizvo zvavanoti zvakaita kuti mushanyi Dada atsakatike, havana kupa chikonzero chakaita kuti mukadzi wekubatwa achiita chipini uyu asatsakatike.

Hazvinzwisisikewo kuti kana Dada akashinha nemukadzi wake, sei iye bedzi ari iye akatetereka mudzimai wake achisara asi ivo vakaita chivi vose.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>