Mushonga mukuru weHIV kuzvidzivirira

03 Nov, 2022 - 10:11 0 Views
Mushonga mukuru weHIV kuzvidzivirira VaAmon Mpofu

Kwayedza

Malven Mugadzikwa ari kuCHINHOYI

SANGANO reNational AIDS Council (NAC) rinoti mushonga mukuru pakuderedza kupararira kwehutachiona hweHIV neAIDS kuzvidzivirira kubva kudenda iri.

Monitoring and evaluation director kuNAC, VaAmon Mpofu, vanoti kupararira kwehutachiona hweHIV kazhinji kune chekuita nekusangana pabonde naizvozvo vanhu vane sarudzo dzakawanda dzekudzivirira nadzo kupararira kwehutachiona.

Vakataura mashoko aya pamusangano wakaitwa nesangano ravo nevatori venhau kuChinhoyi vhiki rapfuura.

“Kutapurirana HIV kune chekuita nekusangana kwevanhu pabonde. Hutachiona uhu hunofamba huchibva kwahwakawanda huchienda kune hushoma kana kuti kwahusiri. Ndizvo zvinoita kuti tirambe tichiona vanhu vachibatwa nedenda reAIDS nguva nenguva nekuti kazhinji vanhu havasi kushandisa dziviriro pakusangana pabonde uye vamwe vanenge vasina ruzivo rwakakwana,” vanodaro VaMpofu.

Vanoti kune nzira dzakawanda dzekudzivirira nadzo kupararira kwehutachiona asi vamwe havafariri kudzishandisa.

“Kushandiswa kwemakondomu ndeimwe yenzira huru dzekudzivirira kupararira kwehutachiona hweHIV. Kondomu rinofanira kupfekwa zvakanaka uye nguva dzese. Kazhinji, vamwe vanovarairwa voregedza kupfeka kana kuti pakutanga vanomboshandisa dziviriro asi vakajairana votanga kusangana vasingashandise dziviriro.

“Izvi zvakuvadza vazhinji nekuti vanopedzisira vatapurirana hutachiona. Bonde rinofanira kurongwa nezvaro vanhu vasati vasangana kuitira kuti pazoshandiswa nzira dzakafanira dzekudzivirira.

“Mazuva ano kwava nemakondomu evanhurume nevanhukadzi ekuti vashandise,” vanodaro.
VaMpofu vanoti zvakakoshawo zvekare kuti madzimai akazvitakura aongororwe nguva nenguva kuitira kuti vakwanise kuziva pavamire.

VaMpofu vanoti madzimai akazvitakura uye aine hutachiona, anokwanisa kupinda muchirongwa chePrevention of Mother to Child Transmission (PMTCT) izvo zvinoita kuti mwana azvarwe asina hutachiona hweHIV.

Vanoti dzimwe nzira dzekuti hutachiona hweHIV husarambe huchipararira kuti vanhu vagare vachiongororwa, kunwa mapiritsi kana munhu achinge abatwa nehutachiona, kuchecheudzwa kwevanhurume kunyangwe paine mukana wekuti munhu anogona kutapurirwa hutachiona akachecheudzwa.

VaMpofu vanoti kunze kwenzira dzekudzivirira idzi, veruzhinji vanofanira kupinda muzvirongwa zvakasiyana zvinofambiswa neNAC zvinoita kuti vave neruzivo rwakakwana pamusoro peHIV neAIDS.

Zvirongwa izvi zvinosanganisira DREAMS, Sista to Sista neBrother to Brother.

Veruzhinji vanokurudzirwawo kushanyira nzvimbo dzezvipatara nedzimwe dzezveutano dziri pedyo navo kuti vawane mashoko anovabatsira ari pamusoro peHIV neAIDS.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>