Uncategorized

Musikana webasa akaba midziyo

27 Jan, 2017 - 00:01 0 Views

Kwayedza

MUSIKANA aishanda basa remumba kwaSeke akaudza dare kuti akabira mukadzi waaisevenzera midziyo inokosha US$266 nekuti akange anonoka kumupa mari yake yemubhadharo yepamwedzi.

Mutongi wedare reChitungwiza Magistrate’s Courts, Yeukai Chigodora, akatemera Yemurai Murazi (18) wepanhamba 42 Foxroe, kuNyanga, chirango chekubvisa faindi yeUS$50 uye kukundikana kwake anozonogara mujeri kwemazuva makumi maviri.

Muchuchisi Norman Koropi akaudza dare kuti nomusi wa8 Ndira gore rino, mumhan’ari Bassie Ziko (28) wekwaZiko, kuChitsvatsva kwaSeke, uyo anova maneja weZiko Enterprise, akataurirwa naMurazi kuti akange asingachadi basa achiti airwara. “Ndakazonotarisa mbatya dzaakange arongedza, ndipo pandakashamisika kuona kuti akange atorongedza nehembe dzangu mubhegi rake,” anodaro Ziko. Hembe idzi dzaisanganisira madhirezi matatu, masiketi maviri, shangu nenharembozha yerudzi rweHuawei uye zvose zvakawanikwa.

Murazi haana kuda kupedzera dare nguva sezvo akabvuma mhosva yake.

“Mhosva ndinoibvuma. Ndakatora midziyo yemumhan’ari nekuti akange anonoka kundipa mari yangu,” akadaro Murazi.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>