Uncategorized

Musikana webasa ari HIV+ abata mwana chibharo

15 Jan, 2022 - 13:01 0 Views
Musikana webasa ari HIV+ abata mwana chibharo

Kwayedza

Lovemore Kadzura

MUSIKANA anoshanda mumba kwaRusape, uyo anonyatsoziva kuti ane hutachiona hweHIV, achagara mujeri kwemakore 20 mushure mekukonwa nemhosva yekubata chibharo kakawanda muzukuru wevanhu vaaishandira.

Precious (31) wekunzvimbo yeMhukayesango, kuNyazura ange asina gweta apo akamira pamberi pemutongi Francis Mapfumo vedare reRusape Magistrate Court.

Akabatwa nemhosva mushure mekuburitswa kweumbowo huzere hwaimuroverera mudare.

Mutongi Mapfumo vanotsoropodza Precious vachiti ane hunhu hwakashata zvikuru nekudaro anokodzera kupihwa mutongo wakaomarara.
Dare harina kumbomubvisira mamwe makore pamutongo waakapihwa.

Muchuchisi VaTawanda Munjanja, vakaudza dare kuti Precious akatora mukana wekuti mwana uyu – uyo anofungidzirwa kuti ane makore ari pakati pe9 ne11 okuberekwa – ambuya vake vaisavepo pamba achibva amubata chibharo kakawanda.

“Precious nemwana uyu havana hukama. Pamazuva asingazivikanwe nedare asi pari pakati pemusi wa12 Gumiguru 2020 kusvika 09 Mbudzi 2020, mwana uyu akasiiwa kuti agochengetwa nemusungwa uyu apo ambuya vake vakange vashanyira mwanasikana wavo kuChegutu.

“Panguva iyi, musungwa akaenda pabonde nemwana uyu vasina kuwirirana kakawanda.

“Nyaya iyi yakazovikanwa apo mwana uyu akaudza ambuya vake musi wa26 Kukadzi 2021,” vanodaro VaMunjanja.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>