Uncategorized

Musiyano wemusoro wemunhu newegudo

06 Apr, 2018 - 00:04 0 Views
Musiyano wemusoro  wemunhu newegudo Gudo nemunhu

Kwayedza

Munyori weKwayedza
ONGORORO yeKwayedza padandemutande inoratidza kuti pane musiyano mukuru uripo pakati pedehenya remusoro wemunhu newegudo. Zvimwe zvacho ndezvinotevera:

. Musoro wemunhu wakakura kudarika wegudo.

. Munhu ane chirebvu asi bveni harina.

Dehenya regudo neremunhu: Mifananidzo — Google.com

. Munhu ane guma diki asi gudo rine mahobi makuru.

. Mazino emunhu epamberi mapfupi (canine), gudo rine marefi uye akapinza.

. Mhanza yemunhu yakaurunguka asi yegudo yakati pwasharara.

. Munhu ane dehenya rehuropi (braincase) guru pane rebveni.

Dehenya regudo

. Muromo wemunhu uri nechepasi pemhuno asi wegudo uri mberi kwemhuno.

. Bvupa reshaya yemunhu ipfupi pane regudo. – www.google.co.zw

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>