Uncategorized

MUSORO WEMUNHU MUCHECHI… ‘Ndicho chitendero chedu’

03 May, 2019 - 00:05 0 Views

Kwayedza

Munyaradzi Musiiwa ari kuKWEKWE
MUNYAYA izere nekutyisa nekushamisa, mune imwe chechi yekuKwekwe munonzi makawanikwa muine dehenya remusoro wemunhu, bhokisi rinovigirwa vafi nemamwe mapfupa enhengo dzemiviri yevanhu izvo vatungamiriri vechechi iyi vanoti ndezvekuitisa mhiko dzavo.

Vatungamiriri vechechi iyi vanonzi vari kutadza kutsanangura kuti dehenya nemapfupa evanhu zvakawanikwa muchechi yavo zvakabva kupi.

Mutungamiriri wechechi yeMasonic Temple of the MacDonalds munyika muno uyo anova grand master, James Chigwedere, anoti ndizvo zvinodiwa nechinamato chavo kuti vachengete mapfupa evanhu kumachechi avo ose ari muZimbabwe.

Mumashoko aakapa kumapurisa, mutungamiriri wechechi iyi kuKwekwe, Marthinus Pretorius, anowirirana naChigwedere kuti chinamato chavo chinotendera kuti vagare nedehenya remusoro wemunhu nemamwe mapfupa mukati memachechi dzavo.

“Mapurisa akanyeverwa nemumwe munhu uyo akaridza nhare achiti Ian Annandale ari kuchengeta zvinhu zvakapinzwa munyika zvisiri pamutemo muchechi yeMasonic Temple of the MacDonalds kuNewton, kuKwekwe. Pakabva paitwa ongororo nemapurisa ndokuwanikwa bhokisi rinovigirwa vafi remapuranga, dehenya remusoro wemunhu nemapfupa akange ari pamusoro pecabinet muimba iri kuseri kwechechi.

“Annandnale akabva ati mapurisa ataure naMarthinus Pretorius. Akachairwa nhare ndokutaura kuti dehenya iri nemapfupa zvaive zvechinamato chavo uye zvaive zvasiiwa nevamwe vanamati veMasonic Temple of the MacDonalds vaimbonamatirapo kare.

“Anoti dehenya nemapfupa aya zvava nemakore 75 zviripo. Pretorius akabva ati mapurisa ataure naJames Chigwedere anove grand master wemachechi ose eMasonic Temple of MacDonalds muZimbabwe uyo akati ndizvo zvinodiwa nechinamato chavo kuti vachengete dehenya remunhu nemapfupa muchechi mavo,” rinodaro gwaro remapurisa.

Pretorius svondo rapera akaendeswa kudare redzimhosva achitarisana nemhosva yekutamba nechitunha.
Akamiswa pamberi pemutongi Phineas Murandu wedare reGweru Magistrate Court.
Ari kuramba mhosva yaari kupomerwa iyi uye achadzoka mudare munguva pfupi iri kutevera.

Dehenya iri nemamwe mapfupa zvakaongororwa nenyanzvi dzepachipatara cheUnited Bulawayo Hospitals (UBH) ndokuonekwa kuti zvose ndezvemunhu.

Share This:

Sponsored Links