Mutambo wakandikoshera, anodaro Sikandar Raza

29 Oct, 2020 - 11:10 0 Views
Mutambo wakandikoshera,  anodaro Sikandar Raza Sikandar Raza

Kwayedza

Abel Ndooka

CHIKWATA checricket chemaChevrons chiri kupinda mu”hondo” svondo rino apo chichatatsurana nePakistan mumitambo mitanhatu inoti mitatu yeOne Day International series (ODI) nemimwe mitatu zvakare yeT20 International.

Mitambo iyi ndeyekutanga yeSuper League iro richangoparurwa uye yekurwira kuenda kumakwikwi e2023 International Cricket Council (ICC) World Cup achaitirwa kuIndia.

Mutambi wemaChevrons, Sikandar Raza, uyo akazvarirwa kunyika yePakistan anoti ari kutarisira zvikuru mutambo uyu uye sechikwata vanoda kukunda sezvo shuviro yavo iri yekuenda kuWorld Cup.

Mumakwikwi ekupedzisira eWorld Cup ayo akaitwa mugore ra2019, maChevrons akakundikana kuenda kunokwikwidza kuEngland neWales mushure mekunge akundwa mumitambo yekurwira tikiti rekuenda kumutambo uyu.

“Toda kushanda nesimba kuti tiende kuWorld Cup.

Chishuvo chedu kuti tihwine mitambo yeSuper League tibve taenda kuWorld Cup. Hatisi kuda zvekuzotamba mimwe mitambo nekuti paWorld Cup yekupedzisira takatadziswa kuenda nemaruns maviri chaiwo. Saka zvinhu zvakatirwadza kutadza kuenda kumitambo iyi apa isu taitamba cricket yepamusoro-soro,” anodaro Raza

Raza, uyo akazvarirwa kuPakistan asi akazokurira muZimbabwe, anoti mutambo wezvikwata zviviri izvi unoreva zvakawanda kwaari sezvo uchange uri wenyika mbiri dziri pamwoyo wake.

“Ndinoyemura zvikuru nzvimbo ino. Ndiri chizvarwa chekuPakistan asi ndichitambira Zimbabwe saka zvinhu zvinondifadza kudzoka kumusha kuzotamba mutambo uyu.

“Chinhu chakanyanyonakisa ndechekuti nyika mbiri idzi, Pakistan neZimbabwe, dzose dzakanditambira zvandiri,” anodaro Raza.

Mutambo wekutanga wePakistan nemaChevrons uriko nemusi weChishanu chino uye wechipiri uchizotambwa musi wa1 Mbudzi kozoti wechitatu musi wa3 Mbudzi.

Mitambo iyi ichange iri yeODI uye ichingopera chete mitambo yeT20 yobva yatanga musi wa7, 8 na10 Mbudzi.

Mitambo yeSuper League ichange iine nyika 13 dzichibandana kurwira kuenda ku2023 India World Cup. Zvikwata zvinomwe zvichapedza zviri pamusoro pamwe chete neIndia zvinobva zvatowaniswa tikiti rekuenda kuWorld Cup.

Zvimwe zvishanu zvacho zvinenge zvasara zvichazotatsurana mumutambo uchazorongwa pachitsvagwa zvikwata zviviri izvo zvinozotevera zvimwe zvisere zvagara zvinenge zvatobudirira kuenda kuWorld Cup.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>