Mutambo wezvimbokoma zveSADC worongwa

08 Jan, 2024 - 09:01 0 Views
Mutambo wezvimbokoma zveSADC worongwa Clyde Musonda

Kwayedza

Abel Ndooka

VATAMBI vetsiva vasere vemuno vachawana mukana wekugadzira mazita avo mumutambo uyo vachabandana nevamwe vekunze pamutambo weDeltforce Independence Day Boxing Gala uyo uri kurongwa.

Mutambo uyu uri kurongwa nesangano reDeltaforce Boxing Academy iyo inotungamirirwa naClyde Musonda.

Uchaona vatambi vetsiva vanobva munyika dziri mudunhu reSADC vachiuya kuzorwa pamutambo wekupemberera Zimbabwe kuwana kuzvitonga zvizere.

Vatambi ava vachabva kunyika dzinosanganisira South Africa, Zambia, Malawi, Namibia, Tanzania neBotswana uye mitambo yese ichitambwa muzvikamu zvitanhatu. Mutambo uyu uchatambwa musi wa20 Kubvumbi sezvo musi wa18 Kubvumbi chinenge chiri China.

Musonda anoti mutambo uyu wakakosha zvikuru sezvo uchabatsira kusimudzira vatambi vetsiva uye panguva imwe chete nyika ichipembera kuwana kuzvitonga zvizere.

“Gore rino, tine zvirongwa zvakawanda zvekusimudzira tsiva munyika zvinosanganisira mutambo watiri kuronga wekutanga weIndependence Day Boxing Gala.

“Tiri kukoka vatambi vetsiva kubva kunyika dzakasiyana dzemuSADC avo vachauya kuzokwikwidza pamutambo uyu. Tine chivimbo chekuti uchasimudzira tsiva zvikuru muno,” anodaro.

Musonda anoti shasha yetsiva yemuno ine mukurumbira – Kudakwashe ‘Take Money’ Chiwandire – achange asipo pamutambo uyu sezvo vane hurongwa hwekuti agozoenda kuIndia munaKubvumbi kunorwa naUrvashi Singh.

Vatambi vaviri ava vaifanirwa kurwa munaZvita gore radarika asi mutambo wavo wakazotadza kubudirira sezvo magwaro ekufambisa (visa) aTake Money nechikwata chake akatadza kubuda nenguva izvo zvakaita kuti mutambo uyu usundwe kumberi.

“Take Money pamutambo uyu haapo nekuti tiri kuda kuti aende kuIndia nguva pfupi iri kutevera agonorwa naUrvashi Singh. Mutambo wavo wakatadza kubudirira gore radarika nekuti maVisa ekuAustralia haana kubuda nenguva saka wave kuenda kunotambirwa kuIndia.

“Taida kuti paIndependence Day Boxing Gala agotambawo, asi manje nehurongwa hwake huripo anenge atori mushishi kuita gadziriro dzekusangana naSingh,” anodaro Musonda.

Mazita evatambi vemuno nevemunyika dzemuSADC vachauya kuzokwikwidza pamutambo uyu achaziviswa nguva pfupi iri kutevera.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>