Uncategorized

Muti wakatemwa ukamuka

20 Mar, 2015 - 00:03 0 Views
Muti wakatemwa  ukamuka

Kwayedza

Daphne Machiri naMemory Mangombe
VANHU vakaita chipata-pata kuende kupurazi reNewpark riri kuMt Hampden pedyo neHarare mushure mekufamba kweshoko raiti kune muti wemupuranga uri panzvimbo ine makuva uyo wakapunzwa nemhepo, vanhu ndokutoutsemura huni wakawira pasi, asi ndokuzofuma vachiona wamuka watomira pakare.

Pane mamwe mashoko aiti pamuti uyu paibuda izwi remunhu aikwazisa vanhu vaidarika nepo.

Izvi zvinonzi zvinotevera kupunzwa kwemiti mina nemhepo panzvimbo imwe chete, iyo ine makuva anonzi ndeevanhu verudzi rwechiChewa.

Muti uyu unonzi wakamuka ukadzokera panzvimbo yawaive uri nemusi weChina svondo rapera ndokuzotanga kunzwikwa mazwi evanhu neMuvhuro.

Kwayedza yakagashira nhare dzakawanda dzichibva kuvanhu vaitaura nezvechiitiko ichi.

Muhurukuro, vamwe vagari venzvimbo iyi vakatsinhira mashura aya.

Mai Maria Stella Chizu (47) vanoti havana neremuromo zvichitevera manenji aya.

“Mushure mekubatsirikana kwakaita vanhu vachitema huni, muti uyu wakazenge wasara chava chidanda chakarara asi chakazoerekana changoti dzu-u kumira zvikashamisa vanhu,” vakadaro Mai Chizu.

Vanoti ivo vanotengesa pamusika uri pedyo nenzvimbo iyi uye vave kutya kusvika pedyo sezvo vaine fungididziro yekuti zviri kuitika izvi zvine chivanhu mukati.

VaRichard Linje (43) vakatsinhira zvakare kuti muti uyu wakange wadonhedzwa nemvura asi vakazoshamiswa kuona wakamira panzvimbo yawakange uri.

“Muti wakadonha kwatova nenguva inokwana mwedzi. Asi nomusi weChina ndipo patakashamisika tichiona muti uyu wamira panzvimbo,” vakadaro VaLinje.

Zvisinei, VaLinje vakaramba mashoko ekuti muti uyu wakakwazisa vanhu.

Mai Queen Majenge (39) vanotiwo muti uyu wakangodonhedzwa nemvura uye hapana chivanhu chiripo nekuti dai pane zviripo waifanirwa kuva wakamuka nemapazi awo pamwe nemashizha kuratidza kuti pakaita zvinoshamisa.

“Kana nemiwo makambozvionawo kupi? Kuti muti unotaura, izvi zvine manyepo mukati. Muti wakangodonha asi chingatoshamisa kumuka kwawakaita chete kusiri kunzwisisika  maitikiro azvo,” vakadaro. VaJackson Matemba (58 ) vakapokana nemafungiro evamwe vachiti muti uyu wakange wadonha uine ivhu rawo izvo zvakaita kuti ukwanise kumuka uchidzokera panzvimbo sezvo wakange usisaremerwe mushure mekutemwa kwemapazi awo.

“Nzvimbo iyi haina kana chivanhu chinoitikamo, kunongova kutaura kwevanhu nekushamisika nechiitiko ichi sezvo iri nzvimbo ine makuva,” vakadaro VaMatemba .

Tapiwa Dubva (24) akatiwo hapana chivanhu chiri panzvimbo iyi ndokukwira padanda remuti uyu vatori venha vachiona nemusi weMuvhuro svondo rino.

Mutsvakiridzo yakazoitwa neKwayedza, kwakazobuda mashoko ekuti muti uyu unonzi wainge wakwazisa mukadzi anonzi Agness Justin Milanzi (29), uyo anogara mukomboni yeBetta Bricks munharaunda iyi.

Achitaura, mudzimai uyu akabvuma kuti ainge afambisa shoko reguhwa raiti muti uyu wakamukwazisa uchiti, “Muri bwanji, mamuka sei?” Ndakangoshanyirawo nzvimbo ine muti wemupuranga wakadonha ukazomuka,” akadaro.

Anoti akange atombobva kunotema huni pamuti uyu usati wamuka.

“Nzvimbo ino ine vanhu vanoda zvemakuhwa saka ndakangozviita mukutamba ndisina tarisiro yekuti vanhu vangazvitora kuita zvechokwadi.

“Ndakataura zvangu mukutamba asi vanhu vakazvitora sechokwadi sezvo vakange vave nekufungira kuti zvine chivanhu mukati. Pamiti inokwana mina iyo yakadonha panzvimbo yemakuva, iwo ndiwo chete wakange wakadonhera pamusoro pemakuva uye ukazomuka kudzokera pakare,” akadaro Milanzi.

Kuratidza kuti muti uyu waimbenge wakapunzika, wakatsemurwa divi rimwe chete nevaida huni asi divi raive pasi harina kubatwa.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>