Uncategorized

Muzukuru (36) aponda tete (86)

04 Apr, 2022 - 12:04 0 Views
Muzukuru (36) aponda tete (86) Insp Nobert Muzondo

Kwayedza

Liberty Dube

MURUME ane makore 36 okuberekwa wekwaZimunya, kwaMutare svondo rapera anonzi akatema tete vake vemakore 86 nematombo uye kuvarova netsvimbo kusvikira vafa achivapomera huroyi.

Itai Chinaka anonzi aipomera mushakabvu Mbuya Enesi Mukwindidza kuti vanomuroya.

Mbuya Mukwindidza vanonzi vakazofa nekukuvara kwavakaita zvichitevera kutemwa kwavakaitwa nematombo uye kurohwa netsvimbo.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reManicaland Inspector Nobert Muzondo, vanotsinhira nyaya iyi vachiti yakaitika mubhuku raNatsai, kwaMambo Zimunya.

Vanoti Mbuya Mukwindidza vanonzi vakapondwa mushure mekunge vadzoka kubva kuchechi kwavaive vaenda kunotsvaga rubatsiro sezvo vainzwa marwadzo muchipfuva chavo.

“Gogo Mukwindidza, avo vairwadziwa muchipfuva, vakaenda kune imwe chechi iri pedyo vachida rubatsiro rwepamweya. Vachidzoka, vakaenda muimba yekubikira maive makagara Chinaka uyo akabva atanga kuvapopotera.

“Anonzi akavapomera mhosva yekuti vaimuroya. Gogo Mukwindidza vakaramba mhosva iyi,” vanodaro Inspector Muzondo.

Chinaka anonzi akabva ashatirwa ndokutanga kurova tete vake nezvidhinha netsvimbo ndokuzobatwa naMai Gracious Murima avo vakazomudzivisa.

Mbuya Mukwindidza vanonzi vakakuvara zvakaipisisa muviri wose nekuda kwekurohwa uku.

Vakazomhanyiswa kuchipatara cheVictoria Chitepo Provincial Hospital uko vakanofira.

Chinaka akabva asungwa uye ari kubatsira mapurisa mukuferefetwa kwenyaya iyi.

“Tinokurudzira vanhu kuti vagadzirise nyaya dzavo murunyararo kana kutsvaga mazano kune vamwe vanokwanisa kuvabatsira pane kuita zvemhirizhonga. Mhirizhonga nekusanzwisisana seizvi zvinogona kukonzera njodzi yakadai sekupondana,” vanodaro Insp Muzondo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>