Uncategorized

Muzukuru muchizarira, mbuya vari kunze

19 Mar, 2021 - 11:03 0 Views
Muzukuru muchizarira, mbuya vari kunze

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

MUZUKURU wekunzi akabatsirana naambuya vake vava chembere kuba mombe pane rimwe purazi riri kuBeatrice akapihwa mutongo wekugara mujeri kwemakore manomwe.

Tendai Musonza (19) akapihwa mutongo uyu mushure mekubvuma mhosva yake apo akamiswa pamberi pemutongi wedare reChitungwiza Magistrate’s Courts, Tinashe Tashaya.

Ambuya vake, Rosemary Mupingo, vakanzi vadzoke kudare munguva iri kutevera apo vari kutongerwa mhosva imwe chete iyi.
Muchuchisi Cecilia Mashingaidze akaudza dare kuti nemusi wa5 Kurume, vasungwa vaviri ava vakaenda kudanga remumhan’ari Fredrick Sadomba (56) riri paPlot 5 Georgina Farm, kuBeatrice kwekare.

Vakapinda mudanga ndokuba mombe imwe chete yebhurauni iyo vakasunga netambo vachibva vanoisungurira pedyo memusha wavo.

Nemusi wa4 Kurume munguva dzemanheru, mushandi wepapurazi iri, VaAlbert Gumiremhete, vakange vatenhera mombe 56 mudanga asi vakazoshamisika muzuva rakatevera vachiona tambo dzavainge vakasungisa mapango edanga uye ruzhowa rwewaya zvakachekwa.
Izvi zvakavanentsa vachibva vatanga kuverenga mombe dzavo ndokuona kuti imwe chete yakanga isimo.

Vakaronda matsimba netsoka dzevanhu vakange vapinda mudanga iri vachibva vanosvika pamba pevasungwa vaviri ava.
VaGumiremhete vakazokwanisa kusunga Musonza anova akazodura ambuya vake vachibva vaenda kunoratidza vamhan’ari pamuti uri chinhambwe chemamita 100 kubva pamba pavo apo vainge vakasungirira mombe iyi.

Vaviri ava vari kutongwa nemhosva yekuba mombe (Stock Theft as Defined in Section 114 of the Criminal Law Codification and Reform Act Chapter 9:23).

Share This:

Sponsored Links