Uncategorized

‘Mvura hakuna, asi tinongobhadhara’

29 Apr, 2016 - 00:04 0 Views

Kwayedza

DHOROBHA reChitungwiza rakatarisana nedambudziko rekushaya mvura zvekuti vamwe vagari veko vanowana mvura kamwe chete pasvondo kana pamwedzi asi kanzuru ichingovabhadharisa.

Vamwe vagari vemuChitungwiza vanoti vanotopona nemvura yemumigodhi yavanochera padzimba dzavo zvisiri pamutemo.

“Mvura tinoiwana kamwe chete pasvondo asi mabhiri emvura kana ave kuuya anenge akatochaja mari zhinji. Tiri kubirwa zviri pachena. Izvozvi tiri pano pachibhorani tatofamba chinhambwe chemakiromita mapfumbamwe uye chibhorani ichi ndicho bedzi chasara muno munzvimbo yeJambanja,” vanodaro Mai Juinor Chingwena (47) vekuUnit N.

VaJohanes Mupanganwa (34) vekuUnit M vanotiwo mvura idambudziko guru zvekuti dzimwe dzenguva vanorara vari mumutsetse wekuchera mvura pachibhorani sezvo pachiwandwa.

Mashoko avo anotsinhirwa naMai Jessy Chikupo (26) vekuUnit N vachiti kanzuru yavo inofanira kugadzirisa dambudziko remvura nekukasika.

“Madzimai tisu tiri parumananzombe nekuti dzimwe nguva tinoita sekunge tichabatwa chibharo kana kupondwa nematsotsi tichienda kuzvibhorani husiku nekuti ndipo panenge pasisina mitsetse yakakura. Vana vanenge vachisvibisa manapukeni saka anotoda kuwachwa nguva nenguva.

“Mvura ndiwo musimboti weupenyu uye tine kodzero yekuiwaniswa nguva dzose yakachena asi kodzero yacho iri kutadza kuzadzikiswa,” vanodaro. Kanzuru yeChitungwiza inoti ine tarisiro yekuvaka dhamu reMuda Dam kuMahusekwa senzira yekuderedza dambudziko remvura iro rinogara rakatarisana nedhorobha iri makore ose.

VaGeorge Makunde, avo vanove munyori mukuru wekanzuru iyi, vanoti kuvakwa kwedhamu iri idanho guru sezvo pari zvino vagari vemuChitungwiza vachishandisa mvura yavanopihwa nekanzuru yeguta guru reHarare.

“Tiri kuita mabhindauko ekuunganidza mari inosvika $400 miriyoni kuti tinge tichivaka dhamu iri uye takaona kuti nzvimbo yeMahusekwa, inova chinhambwe chemakiromita 35, ndiyo yakakodzera.

“Vatsigiri vachange vachitibatsira kuvaka dhamu iri, ivo vachizowana mari yavo kuburikidza nekutengesa mvura iyi kuvanhu vasati vazopa dhamu iri zviri pamutemo kukanzuru,” vanodaro.

VaMakunde havana kuda kutaura nguva ichatanga kuvakwa dhamu iri kana kuti parinotarisirwa kunge rapera. “Handingataure kuti mabhindauko aya achatanga rinhi asi ari munzira kuitwa. Ndinobvuma kuti dambudziko remvura iguru muno muChitungwiza zvekuti kune dzimwe nzvimbo vanhu vanotowana mvura kamwe chete kana kaviri pasvondo, vamwe pamwedzi zvichienderana nekwavanogara kuti kwakarereka zvakadii. Pari zvino, Chitungwiza haina mvura yayo nekuti tinotowaniswa mvura nekanzuru yeHarare, saka zvinoreva kuti kana kuHarare kusina mvura kuno kuChitungwiza dambudziko iroro rinenge rakatokurisa,” vanodaro.

Gore rapera, kanzuru yeChitungwiza yakange iine chikwereti chemvura yekanzuru yeHarare chaidarika $2,9 miriyoni. VaMakunde vanoti rimwe sangano rinodaidzwa kunzi Sessani ndiro riri kuvabatsira mukutsvaga mari yekuvaka dhamu uye vakatosainirana chibvumirano.

“Dhamu iri richabatsira zvakare varimi zvinova zvichasimudzira indasitiri yedu,” vanodaro.

Mukuru wesangano reChitungwiza Residents Trust, VaMarvelous Kumalo, vanoti kuvakwa kwedhamu iri kwakakosha zvikuru kunyangwe zvazvo kwatora nguva refu kusati kwaitwa.

“Tinofara zvikuru nekuti iko zvino mvura yave kuwanikwawo kuno mazuva mashanu kana mana pasvondo kana tichienzanisa negore rapera apo yaiwanikwa kamwe chete kana kaviri pasvondo. Asi dambudziko riri kunyunyutwa nevanhu ndere kusviba kwakaita mvura yemupombi izvo zvinogona kuvaisa panjodzi yekubata zvirwere zvemanyoka.

“Zvakare mabhiri emvura ari kuuya achidhurira vabereki zvekuti chero vakaita mwedzi wese vasipo, vanongowana mabhiri akavamirira zvisinei nekuti vanenge vasina kushandisa mvura yacho,” vanodaro.

Vanoti kanzuru yeChitungwiza yave nenguva ichiti inoda kuvaka dhamu reMuda asi pasina chinoitwa.

“Dhamu reMuda tave nemakore mazhinji tichingonzwa richinyorwa nezvaro mumapepanhau. Vamwe tave kutochena vhudzi tichingoverenga nezvedhamu remumhepo.

Share This:

Sponsored Links