Mvura icharamba ichinaya: MSD

20 Apr, 2022 - 12:04 0 Views
Mvura icharamba ichinaya: MSD VaJames Ngoma

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

BAZI rinoona nezvemamiriro ekunze reMeteorological Services Department (MSD) rinoti mvura iri kutarisirwa kuramba ichinaya kune dzimwe nzvimbo dzenyika kusvika nemusi weChina svondo rino.

VaJames Ngoma, avo vanova head of forecasting kuMSD, vanoti kunze kunotarisirwa kunge kuchitonhorera uye kuchinaya mvura kune mamwe matunhu eZimbabwe.

“Nyika ichange ichitonhorera pamwe nekunaya mvura kune mamwe matunhu kutanga nemusi wa18 kusvika 21 mwedzi uno,” vanodaro.

Vanoti MSD ichange ichizivisa veruzhinji nezveshanduko inenge ichiitika munyika maringe nemamiriro ekunze nekufamba kwenguva.

Zvisinei, VaNgoma vanoramba mashoko ari kutenderera pamadandemutande eSocial Media ekuti kuchange kuine mvura ine mafashamu kune mamwe matunhu ari kumadokero kwenyika, vachiti ndeemanyepo.

“Veruzhinji vanofanira kuziva kuti bazi reMSD ndiro bedzi rakapihwa masimba ekucherechedza mamiriro ekunze saka zvakakosha kuti veruzhinji vatevedze zvavanoziviswa naro pane kutevedza mashoko asina umboo nekuti mamwe emashoko anotenderedzwa neveruzhinji anogona kuunza kusagadzikana muvanhu,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey