Uncategorized

Mvura ine dutu nemheni yonaya

26 Nov, 2020 - 12:11 0 Views
Mvura ine dutu nemheni yonaya Mamiriro ekunze

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

MVURA zhinji ine dutu nemheni inotariswa kunaya nyika yose kusvika nemusi weMugovera.

Bazi rinoona nezvemamiriro ekunze, reMeteorogical Services Department (MSD) rakabatana nevechikamu cheDepartment of Civil Protection Unit, rinoyambira – kunyanya vedzimotokari – kuti vangwarire mumigwagwa sezvo nzizi dzichikwanisa kuzara zvekufashukira zvichizokonzera njodzi.

Nzvimbo dzinosanganisira Zvishavane dzakatotanga kunaya mvura ine huwandu hwekudzika pasi kwe16mm svondo rino, Plumtree (9mm) kuchizoti Nkayi (5mm) kusvika neChitatu.

MSD inoti nzvimbo dziri kudunhu reMatabeleland North, Matabeleland South, Midlands, Masvingo neBulawayo dzichawana mwando wakawanda.

Veruzhinji vanokurudzirwa kuti vagare mudzimba uye kuti varegedze katsika kekuhwanda mvura pasi pemiti sezvo izvi zviine njodzi yekurohwa nemheni.

Kana kusiri kunaya uye kuchipisa, vanhu vanokurudzirwa zvekare kuti vanwe mvura yakawanda uye kuti vasagare panzvimbo dzinopisa zvakanyanya.

“Tinokurudzira vanhu kuti vazvidzivirire kuzuva nekuregedza kuita mabasa vari kunze kune zuva rakanyanya. Vafambi tinovayambira kuti varegedze kuyambuka nzizi dzakazara kusanganisira vedzimotokari nekuti pane mikana yekuyeredzwa,” inodaro MSD.

Kusanduka kwemamiriro ekunze uku kunonzi kunogona kukonzera zvakare kuwanda kwehumhutu.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>