Uncategorized

Mvura yanetsa kuChitungwiza

01 Jul, 2021 - 12:07 0 Views
Mvura yanetsa kuChitungwiza Vanhu vari kuungana muzvibhorani kuChitungwiza

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

ZVISINEI nekuti chirwere cheCovid-19 chiri kubata nekuuraya vanhu munyika muno nepasi rose, vamwe vagari vekuChitungwiza vari kungoonekwa vachiita beswanwa vasina kupfeka mamasiki senzira yekuderedza kutapurirana denda iri.

Dambudziko remvura, iro ranetsa mudhorobha iri ndiro rimwe riri kupomerwa kuti vanhu vaungane zvichiisa veruzhinji panyatwa yekutapurirana Covid-19.

Vanhu vari kuswera vakaungana vachiforera mvura.

Vamwe vava kuwana mvura yemahara iyo vanotora mumakomba emwena inofambisa mvura yekanzuru inova yakatsemuka apo vamwe vari kuchera munzizi nehova dzisina kuchengetedzeka.
Izvi zvinovaisa pamikana yekubatwa nezvirwere zvemanyoka.

Nemusi weMuvhuro, munyori uno akasangana nezvimwe zviri kuitika muChitungwiza apo akakurukura nevamwe vabereki vainyunyuta pamusoro pekukundikana kwekanzuru yeko vachiti ndizvo zviri kukonzera veruzhinji kuungana.

“Dambudziko remvura tinowanzosangana naro munguva yekupisa kunanaGumiguru, asi gore rino rakurumidza zvisinei nekuti mwaka uno kwakanaya mvura zhinji. Ini ndinogara muUnit H, mvura yemupombi inouya kamwe chete pamwedzi saka chero vane matsime akatopwa kusara kwevane zvibhorani.

“Vana vanzwa nemanyoka uye mikana yekunyuka kwechirwere cheCovid-19 yakakura nekuti mvura kana yekugeza maoko tinenge tisina uye tinoswera takaungana kuzvibhorani kusina masanitizer. Tose tinenge tisina kupfeka mamasiki ikoko,” vanodaro Mai Tsungai Musonza.

Vanokumbira kanzuru kana Hurumende kuti vachererwe zvimwe zvibhorani kuitira kuti vanhu vasanyanye kuungana vachitsvaga mvura.
“Kudai isiri mvura iri kunetsa, tingadai tigere mudzimba dzedu izvo zvinobatsira kuderedza kutapurirana kwecoronavirus, zvino mumba hamugarike kana musina mvura yekubikisa, yekuwachisa kana yekunwa.

“Semedu muUnit H mune zvibhorani zviviri bedzi zvekuti vamwe tinopona nemvura yemugomba rekanzuru apo pakaputika pombi. Ukada yekuzvibhorani kutonorarako kuti uiwane.
“Nekune rimwe divi vanasikana vari panyatwa yekumbunyikidzwa vachitsvaga mvura,” vanodaro.
VaGift Kadungure avo vanova mutyairi wemabhazi vachigara muChitungwiza vakaonekwawo vachichera mvura.

“Mvura idambudziko guru kuno, ndosaka ndatouyawo kuzochera pano. Kugeza chaiko kwava kushoma zvekuti dai kanzuru yava nedhamu rayowo muno iro rinoiwanisa mvura pane kupona neinobva kuHarare. Iko kuHarare kwacho mvura itori dambudziko guru,” vanodaro.
Vanoti mvura yakakosha mukurwisa Covid-19 nezvimwe zvirwere zvemanyoka setyphoid, dysentery kana cholera.

Vakafanobata chigaro chamabharani wekanzuru yeChitungwiza, Mai Evangelista Machona vanotsinhira kuti dambudziko remvura ririko uye vari kuedza kurigadzirisa.

“Tiri kugadzira zvibhorani zvakawanda (motorized boreholes) kuitira kuti vagari vedu vawane mvura yakawanda tichishanda nevatsigiri avo vakaonawo dambudziko redu. Zvekare tave kubhadhara kanzuru yeHarare nenguva izvo zvinoita kuti mvura iunzwe nenguva,” vanodaro.

Vanoenderera mberi vachiti Hurumende, kuburikidza neZimbabwe National Water Authority (ZINWA) iri kufambisa chirongwa chekupedza dambudziko remvura kuChitungwiza nekuvakisa Muda Dam.
“Chirongwa cheMuda Dam Project chava kutsigirwa neHurumende kuburikidza neZINWA, saka ndinovimba kana zvikabudirira dambudziko remvura richava zviroto muChitungwiza,” vanodaro Mai Machona.

Zvichakadai, vamwe vagari vedhorobha iri vakacheresa zvibhorani padzimba dzavo zvisiri pamutemo uye kune dzimwe nzvimbo mvura iri kutotengeswa.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>