Uncategorized

Mvura yemuteuro yofashaidzwa

21 Sep, 2018 - 00:09 0 Views
Mvura yemuteuro yofashaidzwa Vana vaitamba pamasuweji aiyerera kuMbare

Kwayedza

Kingstone Mapupu

SANGANO rinomirira machechi echipositori, reApostolic Christian Council of Zimbabwe (ACCZ), rinoti zvakakosha kuti vemakereke vatevedzere kurudziro yose iri kuitwa neHurumende mukurwisa kupararira kwechirwere checholera, kusanganisira kuti vanhu vasaungane.

Archbishop Johannes Ndanga, avo vanova mutungamiri wesangano iri, vanoti vemachechi vanofanira kubatana neHurumende nemamwe mapoka mukurwisa chirwere ichi.

“Dambudziko iri rinodarika, saka ikurudziro yedu kuti timbomira kuungana kusvikira chirwere ichi chapera sekutaurwa kuri kuitwa neHurumende. Tiri kufamba nekuendesa matsamba kuvakuru vemasangano ose kuti vatevedze zviri kutaurwa neHurumende,” vanodaro.

Archbishop Ndanga vanokurudzirawo vakuru vemachechi kuti vasiyane netsika yekurambidza vatendi vavo kunobatsirwa kuzvipatara.

Mumwe muporofita anonamatira mumusha weBudiriro, muHarare, anoti haapokane nemitemo iri kuiswa neHurumende yekuti vasaite makungano.

VaMartin Madzura (34), avo vanozivikanwa nekuti Madzibaba Gamba vechechi yeKundiso Apostolic Faith iri kuBudiriro kunova ndiko kwakatangira denda recholera iri, vanoti sevanamati, havafanirwe kupokana nehurongwa hweHurumende.

Archbishop Johannes Ndanga

Vanoti sezvo vachishandisa miteuro, vanhu vanobva nemvura dzakafashaidzwa kudzimba dzavo.

Vanoenderera mberi vachiti, “Vanorwara nemanyoka kana mudumbu takambomira kuvabatsira nekuda kwechirwere ichi avo tinokurudzira kuenda kuchipatara.”

Kwayedza nemusi weChishanu svondo rapera yakaita ongororo kune mamwe masowe anosanganisira ari mumugwagwa unobva muHarare uchienda kuChitungwiza ikaona mamwe mapositori vakaungana izvo zvinopesana nekurudziro yekuti vanhu vambomira kuungana.

Zvichakadai, kuchine vamwe vanhu vari kuonekwa vachitengesa zvekudya semumwe mukadzi aitengesa hove dzakaoma kuMbare.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>