Mwadziwana ahwinha bande reWBF

18 Aug, 2023 - 01:08 0 Views
Mwadziwana ahwinha bande reWBF Tinashe Mwadziwana

Kwayedza

Abel Ndooka

SHASHA yetsiva – Tinashe ‘Chairman’ Mwadziwana – akagara mudenga rechinomwe zvichitevera kukunda kwaakaita Yobe Kamnyonya wekuMalawi ndokubva ahwina bhande reWorld Boxing Federation (WBF) Intercontinental Super Featherweight.

Mutambo uyu wakaitirwa muno masvondo adarika uye mumwe wakatambwa pamutambo wekupedzisira waCharles Manyuchi uyo aisendeka magirovhosi ake etsiva.

Chairman akakunda Kamnyonya muround rechipiri ndokubva ahwina bhande reWBF.

Muhurukuro neKwayedza, Chairman anoti haasi kugona nemufaro zvichitevera kuhwina kwaakaita uko kuchamuvhurira mikana yakawanda yekuramba achisimukira mutsiva.

“Basa rakabatwa kuChivhu, bhande tave naro rave muno.

“Handisi kugona nemufaro nekuti ndange ndichishanda nesimba kuti ndisvike pandave iye zvino kuve shasha yepasi rese yeWBF. Izvi zvinorakidza kuti kushanda nesimba kunobatsira uye kana wakazvipira mubasa rako unosvika kure mumitambo yakasiyana,” anodaro.

Chairman anoti sezvinotarisira, shasha yetsiva inofanirwa kurwira kuchengetedza bhande rayo mumwedzi mitatu inotevera nekudaro akagadzirira kusangana nechero mutambi angade kurwira bhande rake reWBF.

“Ini ndiri shasha isingatye kurwira bhande rayo saka ndakagadzirira kusangana nechero mutambi angade kurwira bhande rangu iri.

“Chikwata changu cheDeltaforce Boxing Academy ndoziva chiri kushanda nesimba kutaura kuno kunditsvagira mutambi wekurwa naye, ini ndave kutangawo gadziriro dzangu kuitira ndikaudzwa kuti ndicharwa nani kuti ndinge ndakagadzirira kuzopinda mumutambo wacho,” anodaro.

Aka hakasi kekutanga Chairman achihwina mitambo yake nechimbi-chimbi, mugore ra2015 akarova mutambi wekuMalawi zvekare Robert Kachiza ndokufenda munhandare izvo zvakatuma gurukota rezvemitambo nevechidiki rekuMalawi, Grace Obama Chiumi, kushora Kachiza achiti anyadzisa nyika yese sezvo ainge akundirwa mumusha make kuLilongwe Community Ground.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>