Mwaka waBill Antonio wapera

07 Mar, 2024 - 20:03 0 Views
Mwaka waBill Antonio wapera Bill Antonio apo akakuvara achitamba munhandare

Kwayedza

Abel Ndooka

MWAKA waBill Antonio wakapera musi weMugovera apo akakuvara gumbo rake izvo zvinogona kumuona achipedza mwedzi mipfumbamwe asingatambe nhabvu.

Antonio akakuvara apo chikwata chake cheKV Mechelen chaitamba necheCercle Brugge mumutambo uyo vakahwina 3-2.

Antonio pamutambo uyu akange angotamba maminitsi 37 apo akakuvara ndokubva aburitswa akazotsiviwa naPatrick Pflucke chizvarwa chekuGermany.

Chikwata chake cheKV Mechelen chakanyora papeji racho repaX richizivisa nezvekukuvara kwaAntonio richiti: “Zvichengetedze, Bill.

“Zvaitika zvinorema hazvo. Bill Antonio akuvara ligament rake munhandare yeCercle Brugge, uye haasi kuzotamba zvekare mwaka uno. Anotarisira nguva yekupora inogona kuita mwedzi mitanhatu kusvika papfumbamwe.

“Tinokushuvira rombo rakanaka, uye ukurumidze kupora Bill,” yakadaro KV Mechelen.

Share This:

Sponsored Links