Mwana (13) abara mwana

23 May, 2022 - 16:05 0 Views
Mwana (13) abara mwana Susan (13) aine mwana wake

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

SUSAN (13) (handi zita rake rizere) mwanasikana uyo atovawo nemwana wake.

Zvinoreva kuti zvakawanda zvinenge zvave kutarisirwa naiye sekuriritira mhuri, kubika, kuwacha nezvimwe zvisinei nekuti anofanirwa kunge ari kuchikoro achifunda nevamwe.

Mwana ane makore 13 okuberekwa anotarisirwa kunge ari kuita Form 1 asi kuna Susan hazvina kuita sekudaro sezvo akamitiswa nemukomana wake ane makore 18 okubererwa achibva aramba nhumbu iyi zvinova zvakaita kuti asiire dzidzo yake paGrade 7.

Kwayedza yashanyira Susan muchipatara cheChitungwiza Central Hospital umo akapihwa mubhedha mushure mekutsemukira kwakaita paoparisheni yake apo akanga abva kubara nenzira yekuvhiiwa.

“Mwana wangu iko zvino ava nemwedzi mumwe chete ndamubereka. Ndakamusunungukira pano paChitungwiza apo ndakaitwa oparesheni ndikabara mwana musikana.

“Ndakabva ndaenda naye kumba zvakanaka uko ndinogara naambuya vangu. Saka ndava kumba kudaro, ndipo pandakazongoerekana ndava kuona oparesheni iya yavhurika ichibuda hurwa, ndokubva ndaperekedzwa kuchipatara nagogo vangu.

“Ndakapihwa mubhedha pano uye ndatova nemwedzi ndiri muno asi ndiri kuita zviri nani zvisinei nekuti mudumbu mangu ndimo munorwadza zvakanyanya husiku,” anodaro mwana uyu akagumbatira kacheche kake mumaoko.

Susan anoti vaberekki vake vakarambana saka amai vake havana kuzokwanisa kumutoresa magwaro ekuzvarwa.

“Mukomana wangu akatombosungwa nenyaya yekundiitisa pamuviri asi akazoregedzwa, handizive kuti nechikonzero chei.

“Ini handina kubatwa chibharo asi takatotenderana kuenda pabonde. Saka mapurisa akamusunga ndokuzomusiya nekuti ini ndakanga ndisina magwaro ekuzvarwa, nekudaro ndakaendeswa kwachiremba anoverenga mazino kuti paonekwe kuti ndine makore mangani ndipo paakati ndine 13. Ndakazvarwa nomusi wa8 Nyamavhuvhu 2008,” anodaro.

Susan ari kutsvaga rubatsiro kune veruzhinji rwembatya dzemwana, dzake, chikafu uye mishonga inodiwa muchipatara umu.
Vangada kumubatsira vanochaya nhare kuna mbuya vake panhamba dzinoti 078133480 kana kubata mutauriri weChitungwiza Central Hospital Mai Audrey Tasaranarwo panhamba dzinoti 0774 120 811.

Mai Tasaranarwo vanoti kune nyaya dzakawanda dzepwere dziri kuitiswa pamuviri asi vachizosangana nematambudziko panguva yekubara.

Mai Audrey Tasaranarwo

“Hongu, tinaye mwana ane makore 13 ekuberekwa akaitiswa pamuviri nemukomana abva azera achibva asiiwa. Vabereki vake vakarambana, haana magwaro ekuzvarwa asi akavhenekwa nemachiremba kuburikidza nekurava mazino ake vakaona kuti ane makore 13.

“Sezvo ari mudiki, mabhonzo ake haana kunyatsosimba kuti abare saka akavhiiwa. Abuda muchipatara, oparisheni iya yakavhurika ndokubva adzoka zvekare pano kuti timubatsire,” vanodaro.

Mai Tasaranarwo vanoti Susan ari kupona nerubatsiro rwevemwoyo chena vari kumupawo mbatya nekudya panguva iyo ari muchipatara.

Zvichakadaro, Hurumende yakasandura mutemo waiveko kare uyo waiti vana vane makore 12 vane kodzero yekubvuma bonde sezvo iko zvino makore aya ave pa16 zvichienda mberi zvichifambirana neSection 92 of the Criminal Law Codification and Reform Act Chapter 9:23.

Zvekare, Hurumende yakaisa mutemo unobvumira vanasikana vanenge vaitiswa pamuviri kuti vadzokere kuchikoro.

United Nations Population Fund (UNFPA) uye UNICEF anoti vanasikana vazhinji vanobva kumhuri dzinotambura vari panyatwa yekuroorwa vasati vabva zera zvichiita kuti vapedzisire vasiira chikoro panzira voramba vari varombo muupenyu hwavo, kusanganisra vana vavanobara.

Mugore ra2016 UNFPA yakabatana neUNICEF kuparura chirongwa chekurwisa nyaya dzekuroodzwa kwevana munyika dzakadai seBangladesh, Burkina Faso, Ethiopia, Ghana, India, Mozambique, Nepal, Niger, Sierra Leone, Uganda, Yemen neZambia.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>