Uncategorized

Mwana (4) akatsva kuita dota

01 Jul, 2021 - 12:07 0 Views
Mwana (4) akatsva kuita dota Asst Comm Nyathi

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

MWANA ane makore 4 ekuberekwa akatsva zvekuita dota muimba inorojwa nevabereki vake mumusha weUnit O Extension, kuChitungwiza, mushure mekunge asiiwa areremo naamai vake apo vaitevera mari dzezvikwereti zvedovi ravo munguva dzemanheru.

Moto uyu unonzi wakakonzerwa nekenduru yakasiiwa yakabatira naamai ava manheru emusi weChitatu svondo rapera sezvo kwainge kusina magetsi.

Kwayedza yakashanyira mhuri iyi neMuvhuro uno, ikasvikowana vanhu vakaungana pamariro pamba apa.

Kenduru rekukonzera moto uyu rinonzi rakasiiwa rakabatira riri patafura naamai vemwana uyu, Precious Mudzingwa, avo vaironda zvikwereti zvazvo zvedovi ravanotengesa.
“Mwana wangu, Hillary Macheka (4) ndakabuda ndichimusiya arere ndakabatidza kenduru sezvo magetsi kwanga kusina,” vanodaro Mai Mudzingwa.

Vanoti vakabuda vachienda kuzvikwereti ndokusiya mwana arere oga.
“Kune vanhu vaiva nezvikwereti zvemari yangu yedovi, mumwe US$5 mumwe US$7, saka ndivo vandainge ndafambira. Ndakashamisika pandakadzoka kuona vanhu vakaungana mumugwagwa vachiti vari kuenda kumba kwaamai Hezi.

“Ndikabvunza kuti amai Hezi vekupi zvikanzi vamweso vanochena-chena asi vachiita zvemusika paTaita. Ndipo pandakavaudza kuti ndini amai Hezi vacho asi handaiziva nezverufu rwavaitaura sezvo ndakasiya mwana wangu ari mupenyu.

“Takabva tangodungamidzana tichiuya kumba asi pandakasvika ndakanzwa mwana aichema ndikafunga kuti mwana angotsva bedzi apo aitochema mumwewo mwana wangu ane makore 7. Ndipo pandakazoziva kuti Hezi ainge atofa sezvo takadongorera mumba tikaona dehenya remusoro riri pasimbi dzemetiresi dzainge dzasara mukutsva, akatsva zvekuita dota,” vanodaro.

Vanoti pavakasvika pamba, vanoona nezvekudzimurwa kwemoto (firebrigade) vakanga vatouya asi moto wakanga watodzimurwa nevanhu vemunharaunda asi havana kuziva kuti mumba mainge muine mwana afiramo.

“VeZESA vakazoshevedzwa ndokudzima magetsi uye mapurisa akange auyawo kuzoita ongororo,” vanodaro amai ava vachiratidza kurwadziwa.

Vanoendera mberi vachiti havasati vava kiziva zuva ravachaviga dehenya nedota rakasara pakatsva mwana uyu.

“Hatisati taziva kuti tichamuradzika rinhi sezvo mapurisa nematikitivha vakauya vakati pane ongororo dzinoda kuitwa kuti paonekwe kuti mwana uyu haana kuitwa zvekupiswa here kana imwe firo.”
Kunze kwekufirwa, mudzimai uyu anoti ari kushushikana zvekare nekuparara kwakaita midziyo yake yemumba inosanganisira mubhedha, mbatya, chikafu, terevhizhoni, gas tank, tafura, nharembozha, zvitupa nezvimwe uye nyaya dzekuzoripira varidzi vemba kamuri yemba yakaparara mudhuri, mahwindo, marata, tambo dzemagetsi nezvimwe.

“Varidzi vemba, Sirio Makondo nemudzimai wake Nelisa Kambeza, havapo pano asi pana amai vemukadzi, ndivo vanoona zvepano. Handisi kuziva kuti vachati kudii nekuparadza imba yavo kwandakaita nekuti handisati ndataura navo, asi chokwadi ndechekuti imba yakaparara yose kubvira pamadziro. Iniwo nemhuri yasara yevakomana vaviri nemusikana mumwechete nemurume wangu hatichina pekutangira,” vanodaro.

Mbuya Patricia Chipazura (68), vanova amai vemuridzi wemba, vanoti pwere dzinoda kuchengetedzwa.
“Mumwe muroja wepano akauya achiita sejee achiti amai Hezi maregedza kundibvisirawo mbatya dzangu panze ndobva arova musuwo, ndipo paakaridza mhere. Ini ndakafunga kuti pamwe aona nyoka ichibuda mumba ndopatakaona kuti moto wainge watosimuka kuenda mudenga.
“Dai kusiri kuti mwana haana kufa ndaidai ndichitaura zvakapfuura apa nokuti machengeterwo evana ava anga asina kumira mushe uye ndinodura chokwadi amai vacho aripo uyu (kureva Mudzingwa). Vana havadi kusiiwa voga.

“Vana havachengetwe sembudzi, isu makare takakura tiine chengetedzo yakasimba kwete kungoti mwana aenda kupiko iwe usingazive kwaanenge ari,” vanodaro.

Imwe hanzvadzi yemuridzi wemba, Clapperton Kambeva anoti, “Zvinorwadza kuti pamba pano paita rushambwa rwekufira mwana nekutsva uye midziyo yaparadzwa.”

Mutauriri wemapurisa munyika, Assistant Commissioner Paul Nyathi, vanotsinhira nezvenyaya iyi vachikurudzira veruzhinji kuti vachengetedze vana, kunyanya pakuvadzivirira kumoto.

Nguva pfupi yadarika, vamwe amai vekuMsasa Park, muHarare, nemwana wavo ane makore maviri ekuberekwa pamwe chete nemusikana webasa vakarasikirwa neupenyu apo imba yakatsva mushure mekunge kenduru rasiiwa richibaka pavakanorara.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>