Uncategorized

mwana (5) onzi anobhururuka

09 Feb, 2018 - 00:02 0 Views
mwana (5) onzi anobhururuka French Jemwa

Kwayedza

Muchaneta Chimuka
KUNE mashoko ari kutenderera — kunyanya paWhatsApp – achiti pachikoro cheMutake Primary School, chiri kuDomboshava, pane mwana ane masimba ekubururuka seshiri nekumbosanduka achiita nyoka.

Zvichitevera kutekeshera kwemashoko aya, svondo rino Kwayedza yakashanyira nzvimbo iyi kuti inobata chokwadi pamusoro penyaya iyi ndokuudzwa kuti zviri kutaurwa manyepo.

Mukuru wechikoro cheMutake Primary, uyo akangozviti Mai D. Nyamuhwe, vanoti vakatofonerwawo naDistrict Schools Inspector (DSI) veko achivabvunza nezvenyaya iyi mushure mekunge atambirawo mashoko ekamwana aka paWhatsApp yake.

Mwana anonzi akabhururuka

“Kutaura chokwadi, ini handina kumboona mwana uyu achibhururuka. Asi mashoko iwaya ari kungotaurwa. Mwana ari kutaurwa anofunda pano, mukomana ane makore mashanu okuberekwa ari kuita ECD-A.

“Kana mubereki wemwana uyu takatomudaidza tikamubvunza (nyaya yekubhururuka) asi akati mwana wake haabhururuke. Nhasi chaiye (neMuvhuro svondo rino) ndambobvunza vana vechikoro kuti akamuona achibhururuka ndiyani, ndikashaya mhinduro.

“Kana maticha ari pano anoti haana kumboona mwana uyu achibhururuka,” anodaro mukuru wechikoro.

Sibongile — Mifananidzo naInnocent Makawa

Anoti haazive kana paine munhu ane daka nemhuri yemwana uyu angange akatanga nyaya iyi.

“Mwana ndiye ari kunzi ari kuita izvi, kureva kuti ndiye angatobviswa pachikoro. Asi kwandiri hazvina kana ‘sense’. Kwandiri hakuna zviri kukanganisa basa rangu uye vana vari kudzidza semazuva ose,” vanodaro Mai Nyamuhwe.

Amai vemwana uyu — avo vatichangodura zita ravo saSibongile senzira yekumuchengetedza nekuda kwezera rake — vanoti vakangonzwawo kuti mwana wavo ari kubhururuka.

“Ini handisati ndamboona mwana wangu achibhururuka, asi baba vake ndivo vakashevedzwa kuchikoro vachibvunzwa nezvenyaya iyi. Vakatobvunzwawo nemukuru wechikoro kuti ndizvo here kuti mwana anochinja sezvinotaurwa vakati hatizive.

“Mumwe mwana wechikoro ndiye anoti ehe, akamuona achisanduka kuita shiri ari kumba kwavo asi akazozviramba achiti ainyepa,” vanodaro amai vemwana uyu.

Sibongile anoti chaanoziva ndechekuti mwana wake akangwarisa, anotaurisa uye anofarira kutaura nezvemafirimu aanoona kana ari kumba.

“Mwana wangu anonyanya kufarira mafirimu aChuck Norris asi hatingati anotyisa zvakanyanya, ndipo pane munhu anosanduka kuita shiri. Pindai mumba ndikuratidzei mafirimu acho,” vanodaro vachiratidza munyori uno mafirimu anodiwa nemwana wavo.

Shiri iri mufirimu inozoita munhu

Rimwe remafirimu aya (action film) rinonzi Forest Warrior iro rinoratidza munhu achisanduka kuita shiri apo anoedza kunyangira muvengi wake uye kana asvika paari, ndipo paanodzokera kuva munhu.

Sibongile anoti mwana wake ari kuenda kuchikoro zvakanaka, asi akambomumisa kuone mafirimu nekuda kwenyaya iyi. Kwayedza yakakurukura nevamwe vabereki vemunharaunda avo vanopawo mazi

viro avo panyaya iyi.

“Isu takanzwa kuti nyaya iri kuitika mazuva ose, asi zvinenge zvine Satanism mukati apo mwana uyu ari kunzi anobhururuka kuita shiri achiita maziso egreen. Asi anonzi anozodzoka achimhara panzvimbo imwe cheteyo ava munhu,” vanodaro VaNorman Chawonza (32).

Mai Pamela Chawonza (34) vanoti vakanzwa nezvenyaya iyi ikavatyisa kwazvo zvisinei nekuti havana mwana anodzidza paMutake.

Reason Magwenzi

Sarah Chisango (16) anotiwo mukoma wake vanodzidzisa pachikoro ichi, asi havana kumboona mwana anotaurwa uyu achibhururuka kana kusanduka achiita nyoka.

Reason Magwenzi (15) anotizve pane mumwe mukadzi anotengesa mutuckshop iri munharaunda, uyo anonzi ndiye akazvirekodha mashoko (audio) ari kutenderera paWhatsApp pamusoro penyaya iyi.

“Amai ava vanonzi vakashaiswa nzvimbo yemwana wavo pachikoro ichi vakatosvika pakutyisidzira mukuru wechikoro kuti vachanomumhan’arira kumapurisa kusvika azowaniswa nzvimbo. Tinovimba kuti vanogona kunge vachida kuti mukuru wechikoro uyo anova mutsva munzvimbo ino abve kana kuti adzikisirwe bedzi,” anodaro.

Perseverance Chisango (17) anotsinhirawo kuti nyaya iyi ndeye manyepo zvichikonzerwa negodo rine vamwe vanhu kumukuru wechikoro.

Pamela Chawonza

Mai Tendai Manjonjo (28) vanoti vana vavo vanofunda pachikoro ichi asi havana chavakaona kunze kwekungonzwa zvichitaurwa.

Zvakadai, Kwayedza yakaronda mukadzi ari kunzi ndiye akozvirekodha mashoko ari pamusoro penyaya iyi ayo ari kutenderera paWhatsApp ndokumuwana.

Pakutanga akambotsenga-tsenga mukanwa asingade kutaura asi ndokuzotanga kurudunuka seshinda.

“Ehe, ndini ndakazvirekodha ndikatumira mugroup remhuri yangu. Ndinovimba kuti kunewo vakazotumira vamwe.

“Iniwo ndine mwana weECD-A anonzi akatokanganisika nezviitiko izvi. Kutaura kudai ari kuChiweshe uko ari kunamatirwa nemaporofita nekuti takanga tisingacharari achingobvotomoka kutaura vanhu vaida kumutakura vanova vamwe vana vechikoro.

“Atova nevhiki achirovha kuchikoro asi nyaya yekurwara kwemwana wangu yakatanga iyi yekubhururuka isati yabuda,” anodaro French Jemwa (28).

Jemwa anoti haana daka nemukuru wechikoro cheMutake Primary uye haana kumbonyimwa nzvimbo yechikoro sezvo murume wake akanoitsvaga ndokuiwana.

“Audio iyi ndaitaura nehama dzemurume mugroup kuti vazive zvainge zviri kuitika kumwana. Ndakatomboenda kumutevedzeri wasabhuku ndichitaura nezvenyaya yemwana wangu asi haana kundigashira zvakanaka achinditi ndini ndakazvirekodha,” anodaro Jemwa.

Asi mukadzi uyu haana kupindira zvizere mushure mekubvunzwa nemunyori uno kuti sei mu’audio’ iyi ari kukokera vanhu kuti vaende kuDomboshava achiti kune nhau yemwana ari kubhururuka, sezvo akangoramba achiti aiudza hama dzemurume wake dziri kuChiweshe muWhatsApp group remhuri.

Pasi pemutemo, imhosva huru munhu kushambadza, kufambisa kana kuparidza mashoko emanyepo panhare.

Share This:

Sponsored Links