Uncategorized

mwana akachinja kuita chimhuka

01 Sep, 2017 - 00:09 0 Views
mwana akachinja  kuita chimhuka

Kwayedza

Kingstone Mapupu —
KAMWANA kakomana kane makore gumi okuberekwa kekwaSvosve, kuMarondera kanonzi kakaita chishamiso apo kakasanduka kuita chimhuka chainge gudo, panguva imwe chete komboita sekachembere kachichema sekatsi mushure mekunge kangobatwa neimwe mbuya yeko apo yaitamba nako.

Mai Maria Marizani (34), avo vanogara mubhuku raMasiyambiri, kuBhirihori vanoti mwanakomana wavo — (zita rake tinaro) — akapinduka kuita chimhuka chaingosanduka-sanduka chichimboita sekachembere nekuchema kunge katsi.

“Zviya zvekuti hakuna varoyi munotamba imi, kuno variko uye kwakatooma. Vanodada naho huroyi.

“Mwana wangu akasanduka kuita segudo, kumera mvere muviri wose achichema sekatsi. Ndakatambura naye kuti zvizopera,” vanodaro.

Vanoti mwana uyu akangobatwa nevamwe ambuya vemumusha mavo vachitamba naye achibva angotanga kusanduka muviri wake wose pakarepo.

“Musi uyu ndaibva nemwana uyu kukiriniki yeMasikana kana kuti Dhirihori apo mbuya ava (zita ravo tinaro) vakabata mwana uyu vachiita sevanotamba naye. Pakarepo akabva atanga kupera simba.”

Mai Marizani vanoti mwana wavo akatanga kusanduka muviri wake wose, kusanganisira ganda rekumeso, makumbo, mawoko kuita sekachembere uye achiita segudo asi achichema sekatsi.

“Kumutarisa, mwana akaita kunge kaharahwa chaiko. Zvakandityisa ndikachema zvichindinetsa kuti chii chainge chaitika kwaari. Ambuya ava vakazongonditi, ‘Endai nemwana kumba’ vasingaratidze kushushikana nazvo,” vanodaro amai vemwana uyu.

Panguva iyi, vanodaro Mai Marizani, mwanakomana uyu akamerawo mazamu anenge emudzimai mukuru.

Vanoti vakazoenda naye kumaporofita uko vakanoudzwa kuti mwana wavo aida kusandurwa nevaroyi oitwa chimhuka.

“Mwana wangu ndakamufambira akaita zvakanaka uye izvozvi ava kuzodzokera kuchikoro nevamwe,” vanodaro Mai Marizani.

Vachipa maonero avo, Sekuru Bonface Katerere vekuUzumba vanoti mwana uyu aitoda kusandurwa kuitwa chidhoma naambuya vanonzi vakamubata ava.

“Dambudziko remwana uyu harina kupera, akaiswa hunye hwakaipisisa hwezvizhwa. Zvinoreva kuti anoda kubatsirwa nemishonga yechivanhu kuti zvaakaiswa izvi zvibve.

‘‘Asi pamwe nekufamba kwenguva anogona kuzoita rimwe dambudziko sezvo achigona kunge akatopihwa shavi,” vanodaro Sekuru Katerere.

Share This:

Sponsored Links