Uncategorized

Mwana akaitwa kafira mberi

29 Sep, 2017 - 00:09 0 Views

Kwayedza

Kingstone Mapupu —
MWANA wemakore manomwe okuberekwa wekudunhu raMambo Nyamhondo, kuMberengwa anonzi apedza mwedzi mina achirapwa muchipatara cheMpilo Central Hospital, kuBulawayo mushure mekutemwa mumusoro naamainini — mukadzi wababa vake wechipiri — nedombo ndokukuvarazvakaipisisa apo aipomerwa kutenga mukaka usiriwo kuchitoro kwaainge atumwa.

Velapi Chauke (7) anonzi ari muchipatara uye upenyu hwake huri parumananzombe mushure mekutemwa nedombo mumusoro nekumusana. VaJabulani Chauke (49), vanova baba vemwana uyu, vanoti vakasiyana nemudzimai wavo wekutanga — Tracey Chirenje — mugore ra2012.

Vanoti vakazoroora mudzimai wechipiri, Simbiso Chahwanda (27) muna 2015.

“Mudzimai wangu wekutanga akasiya mwana mumwe chete uyu apo akangobvawo pamusha asina kuoneka achienda kumusha kwavo kuGoromonzi, ukoasina kudzoka zvikazoita kuti ndiroore mumwe. Ini ndakazobva pamusha ndave kuenda kubasa apo mwana anonzi akazotumwa mukaka akanotenga usiriwo pataundishipi yeMatuvi.

“Anonzi akarohwa nedombo mumusoro nekumusana izvo zvakaitika mumwedzi waZvita gore rakapera,” vanodaro VaChauke.

Murume uyu anoti nyaya iyi yakaitika apo aiva kubasa kuZudaburg, kwakare kuMberengwa.

“Mudzimai uyu arova mwana, akazotiza pamba achisiyawo wake mwana ane gore aine mumwe uyu uye vana ava vakazoenda kwambuya vavo amainini vangu,” vanodaro.

Velapi anonzi akazogara achingorwara kubva ipapo kusvikira nemusi wa14 Chikunguru gore rino apo akazorwara zvakadarikidza ava kuchengetwa nemukoma wababa vake akazoendeswa kuchipatara cheMusume uko akasvikodarikidzwa kuGweru Provincial Hospital.

“Ini ndakazosvika kuGweru kuchipatara ndakazomutora kumuendesa kuMpilo Central Hospital uko akapinda musi wa18 Chikunguru kusvika nhasi uno uye pari kudiwa $3 000 pane zvinoda kuitwa kuti arapwe,” vanodaro.

VaChauke vanoti mwana uyu anonzi akakuvara musoro nemusana izvo zvave kukonzera kuti atadze kugara kana kufamba. Kune vanoda kubatsira mwana uyu nemari yekuchipatara nezvimwe vanokwanisa kuisa mari iyi kana kuridza nhare panhamba dzinoti 0776 547 020.

Mutauriri wemapurisa munyika Chief Superitendent Paul Nyathi vanoti nyaya iyi inofanirwa kuferefetwa mudzimai ari kupomerwa kutema mwana uyu osungwa nekuendeswa kumatare.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>