Mwana ari kubva ganda

31 Jan, 2020 - 00:01 0 Views
Mwana ari kubva ganda Blessmore Kambuzuma

Kwayedza

Muchaneta Chimuka
MWANA mukomana ane makore masere okuberekwa uyo ane dambudziko rekuzvarwa aine ganda rinotsemuka nekukwakwanuka (genetic condition genes) ari kutsvagawo rubatsiro rwekuti arapwe, kuwaniswa mafuta anochengetedza ganda rake uye mari yekuti aendewo kuchikoro.

Blessmore Kambuzuma akazvarirwa paChinhoyi Provincial Hospital aine dambudziko iri.
Amai vake, Senzeni Kambuzuma, vanoti machiremba vakaita ongororo paari vanoti chirwere ichi harisi gomarara, asi kuti maginzi (genes) emuviri, zvakangofanana nekuti munhu anogona kuzvarwa aine husope.

“Mwana wangu akazvarwa aine dambudziko reganda uye pari zvino ari kubatsirwa naDr Mutangandura kuBaines Avenue pachena. Asi machiremba anoti dambudziko iri harirapike, saka vanongomunyorera mishonga nemafuta aanofanirwa kuzora.

“Ganda rake rinongotsemuka achivaviwa zvakanyanya muviri wose. Mafuta atinomuzora pazuva ane huwandu hwe500ml uye anoita US$5 muzvitoro zvemishonga. Kureva kuti pazuva ndinofanira kunge ndiine US$5 zvinova zvinondiremera semunhu anoita mabasa ekutengesa muguta reHarare umo ndinenge ndinaye.

“Hakuna munhu anobvuma kusiirwa mwana uyu kana ini ndichibva pamba zvinoita kuti ndifambe naye,” vanodaro Mai Kambuzuma .

Vanoti panzvimbo yavanotengesera kuCopacabana, muHarare, vanosangana nerusarura apo vamwe vanhu vanorega kutenga zvekudya semasiwitsi nemaputi izvo zvavanotengesa kana vakangoona zvakaita mwana wavo.

Rimwe dambudziko vanoti nderechikafu nemichero zvinovaka muviri wemwana wavo.
“Dzimwe shungu dzangu dzandinadzo ndedzekuti mwana wangu aende kuchikoro zvisinei nekuti maziso ake haachaona zvakanaka. Anodawo wiricheya uye kudya kunovaka muviri,” vanodaro.

Pakasvika Kwayedza pamusika wemudzimai uyu, yakawana mwana uyu achingokwenya muviri wake wose uye mafuta aanofanira kuzora ainzi akapera.
Muviri wake unoita kunge munhu akatsva.

Vangada kubatsira mwana uyu vanoridzira nhare amai vake panhamba dzinoti +263 7887 81 383.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>