Uncategorized

Mwana haasati awanikwa

15 Apr, 2021 - 13:04 0 Views
Mwana haasati awanikwa Abigail Maricano

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MWANA musikana wemakore 12 okuberekwa wekuRuwa, uyo akashaikwa mwedzi wapera apo akakwidzwa motokari achienda kuMabvuku kwaanogara nasekuru naambuya vake, anonzi haasati awanikwa.

Kwayedza nguva yadarika yakaburitsa nyaya yaAbigail Marecano apo baba vake, VaAleck Marecano (40), vaiti vari kumutsvaga.
Abigail, uyo ari muGrade 7 paTashinga Primary School, kuMabvuku, anonzi akakwidzwa motokari yerudzi rweToyota Wish nemukoma wake anonzi Idah Marecano (21) achibva kuRuwa achienda kuMabvuku uko kwaasina kusvika.

Anonzi akakwirira motokari iyi pachiteshi cheSaMutoko Bus Stop chiri kuRuwa achifanirwa kunoburukira pachiteshi chepaTM apo aizokwirira motokari dzinoenda kuMabvuku.

VaMarecano vanoti mwanasikana wavo haasati awanikwa.

“Ndatambura zvangu ini vanhu vaMwari, kusvika nanhasi handina zororo, handisati ndawana mwana wangu Abigail. Handizive kwaari, kana akafa kana mupenyu.

“Ndinoda zvangu kuti vanaye vamudzose zvaari izvozvo, kune zvavanozivawo ngavabatsire ndateterera zvangu. Kana maporofita nen’anga dzinogona ngavandibatsirewo ndagumirwa,” vanodaro VaMarecano.

Kune vanoda kubatsira mhuri iyi vanoridza nhare dzinoti 0773 026 674 kana 0712 723 285.

Nyaya iyi yakamhan’arwa kumapurisa ekuMabvuku nekuRuwa.

Mutauriri wemapurisa munyika, Assistant Commissioner Paul Nyathi, vanoti nyaya yekushaikwa kwemwana uyu ichiri kuferefetwa.

“Tinokurudzira vanhu vane zvavanoziva kuti vabate mapurisa edu pose pavari kuti tizive zvakaitika kumwana uyu uye kana paine nhubu munyaya iyi dzisungwe,” vanodaro Asst Comm Nyathi.

Share This:

Sponsored Links