Uncategorized

Mwana weGrade 7 oitwa mudzimai No. 6

13 Sep, 2021 - 16:09 0 Views
Mwana weGrade 7 oitwa mudzimai No. 6 Mai Daniel

Kwayedza

Arron Nyamayaro ari kuCHIWESHE

MWANASIKANA wemakore 14 okuberekwa akaroodzwa kune mumwe murimi wekuGlendale ane mamwe madzimai mashanu.
Vabereki vake, avo vanopinda chechi yeJohanne Marange vakashamisa vanhu vakawanda mubhuku rekwaGunguwe nekuendesa vana vavo vasikana vaviri kuti varoorwe naMoven Vhiga uyo anofungidzirwa kuti ane makore makumi mashanu zvichienda mberi okuberekwa.
Mwana ane makore 14 uyu atova nepamuviri.

Vhiga anoudza bepanhau rino panhare kuti akabvumirana nevabereki vemwana uyu kuti aende naye kure kusvikira asununguka mimba yaakatakura.
Vhiga haana kukwanisa kuuya kuzonamata pasabata svondo rapera achitya kutorwa mifananidzo nevatori venhau.

“Ndizvozvo uye ndakatenderana nevabereki vake kuti ndimutore kuenda naye kuMhondoro kuti anamatirwe kusvika abatsirwa,” anodaro Vhiga.
“Anga asinganzwe zvakanaka ndokusaka takabvumirana kumbomubvisa pamba. Acharamba achienderera mberi nechikoro paanodzoka kumba,” anodaro Vhiga apo airamba kupindura mimwe mibvunzo.

Kwayedza payakashanyira bhuku rekwaNyamunetsa, vabereki vemwana uyu vainzi vakanga vazvikiira muimba yavo yekurara vachifunga kuti vatori venhau vaive mapurisa.
“Musikana uyu aigara nasisi vacho vakaroorwa naVhiga sezvo zvikoro zvanga zvakavharwa palockdown,” anodaro Rudo Tsuro anova mumwe wevanovimbwa navo zvakanyanya naVhiga.

“Baba naamai vake havasi kubatika pari zvino uye havana mafoni. Haisi mhosva kukereke kwedu kuti mudzimai atore mwana waamai vake kana tete kuti agare naye semukadzi wemurume wake. Kazhinji, zvinoitirwa kuchengetedza wanano uye apa sisi vake ndiye mukadzi wechishanu iye ari wechitanhatu.

“Akatora pfungwa iyi ndiMai Praise kwete vabereki vake zvisinei nekuti vamwe vemubhuku rino vari kuti inyaya yenhamo.
“Ichokwadi mwana uyu anga achifanira kunyora bvunzo dzeGrade 7 gore rino asi handisi kuona zvichibudirira,” anodaro Tsuro.
Anoti amai vemusikana uyu vakamuendesa kuMhondoro senzira yekumbonyaradza mashoko ange owanda pamusoro penyaya iyi.
“Vanhu vari kutaurisa zvakanyanya nezvazvo, vazhinji vachiti kushaya kwakonzeresa izvi asi hazvisizvo,” anodaro Tsuro uyo anoramba kutaura zera remwana uyu.

Pamba paVhiga pane dzimba shanu dzekubikira. Vana 17 vanova vaVhiga vakaonekwa vari pamba apa.
Mwana mukomana mukuru waVhiga, uyo ane madzimai maviri, anotsinhira mashoko akataurwa naamai vake vaidaidzwa vachinzi Mai Daniel.
“Munodei? Kuita madzimai akawanda handiti isimba rake here?” vanodaro Mai Daniel vachiudza chikwata chevatori venhau kuti vabve pamusha pavo.

Mashoko anofamba mubhuku iri ndeekuti Vhiga aitarisira mapurisa kuti anosvika pamba pake zvichitevera kushushikana kwevaanogarisana navo pamusoro pekumbunyikidza pabonde mwana waakapa pamuviri uye kurambidza vana vake kuenda kuchikoro.

Mumwe wevagari vemubhuku rinogara Vhiga anokumbira veutano kuti vaende kumachechi eJohanne Marange vodzidzisa nyaya dzekuronga mhuri uye kukosha kwedzidzo senzira yekubvisa upenyu hwevana vazhinji panjodzi.

“Ndinotenda mazvionera moga zera revana varipo nehuwandu hwavo. Zvinorwadza kuti Vhiga haasi kumbunyikidza madzimai pabonde chete, asi ari kuuraya ramangwana revana vake zvakare.

“Vari kufarira mota yake yerudzi rweNoah nechigayo chaainacho asi utano nechikoro zvevana zvaparadzwa. Mukadzi wake waakapedzisira kutora akarambidzwa kuenderera mberi nechikoro,” anodaro mumwe wevanogara mubhuku iri.

Share This:

Sponsored Links