Mwana wekubiwa awanikwa

13 Apr, 2023 - 18:04 0 Views
Mwana wekubiwa awanikwa Mai Melody Sibanda nemwana wavo uyo akabiwa

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MWANA ane mwedzi mipfumbamwe yekuberekwa, uyo akabiwa nemusikana webasa remumba kuMandava, kuZvishavane, anonzi akawanikwa nezuro (Chitatu) kuGaha, kuMberengwa, ari mupenyu uye adzoserwa kuvabereki vake.

Mapurisa ematikitivha aifamba pamwe chete nababa vemwana uyu, VaAdmire Marenga (37), vanonzi vakanowana mwana uyu akachengetwa nemusikana uyu kuGaha.

Amai vemwana uyu, Mai Memory Sibanda (35), vanotsinhira kuwanikwa kwake ari mupenyu vachiti izvi zvavafadza zvakanyanya semhuri.

Vachitaura vari pachipatara cheWhite Hospital chiri kuZvishavane uko vakaenda nemwana uyu kuti anotariswa, vanoti vanotenda zvikuru mapurisa nebasa guru ravakaita kuti mwana wavo awanikwe ari mupenyu.

“Ichokwadi chamuri kunzwa, mwana wedu tamuwana. Akanowanikirwa kuGaha, kuMberengwa aine musikana webasa uyu. Ndakazomupihwa nezuro (Chitatu) kuma1 dzemasikati ndokubva ndazouya naye kuchipatara kuno kuWhite Hospital kwaari kutariswa nemachiremba nekuti akadzikira (pahuremu hwake). Fungai kuti 48 hours mwana asina amai vake? Zvakaoma, baba vasara kumba ndini ndangouya ndoga kuchipatara nemwana,” vanodaro Mai Sibanda.

Musikana ari kupomerwa kuba mwana

Vanoenderera mberi vachiti: “Kubva munyaya iyi, ndadzidza kuti musikana webasa haangonhongwa seunotora nyemba mudura rako, vanofanirwa kuongororwa nevemitemo vasikana vemudzimba ava vasati vatishandira.”

Mutauriri wemapurisa kudunhu reMidlands, Inspector Emmanuel Mahoko, havana kudavira nhare yavo kusvikira pakuburitswa kwenyaya ino.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>