Uncategorized

Mwana wekuzvimba dumbu akaburitswa 18kg chinyama

01 Jun, 2018 - 00:06 0 Views
Mwana wekuzvimba dumbu akaburitswa 18kg chinyama Dr Moyo (kuruboshwe) vaina Bridget, Dr Edward Tadros nevabereki vake — Mifananidzo Tariro Kamangira

Kwayedza

Kingstone Mapupu
MWANASIKANA wekuBuhera ane makore 16 okuberekwa — uyo akabuda muKwayedza nguva pfupi yadarika achiti atambudzwa nedumbu raingozvimba — akazobatsirwa apo akavhiiwa pachena kuchipatara cheChitungwiza Central Hospital ndokuburitswa zinyama rairema 18 kgs kubva mudumbu rake.

Bridget Zireni (16) wemubhuku raMhete, kwaNyashanu, anga asiira Fomu 1 panzira paMurambinda B Secondary nekuda kwedambudziko iri. Mwana uyu akavhiiwa nechikwata chemachiremba epachipatara ichi svondo rapera uye akatobuda muchipatara.

Mudzimai wemutevedzeri wemutungamiriri wenyika, Amai Marry Chiwenga, vakabatsirawo Bridget nemishonga yose nezvimwe zvaidiwa mukurapwa kwake.

Mukuru wechipatara ichi, Dr Obadiah Moyo, vanoti vakaona zvakakodzera kuti mwana uyu arapwe pachena kusvikira dambudziko rake rapera.

Vanorumbidza Amai Chiwenga avo vanova sachigaro wesangano reMusha Mukadzi nekubatsira kwavakaita mukurapwa kwaBridget.

Bridget akabuda muchipatara ichi nemusi weMugovera wadarika ndokudzokera nevabereki vake kumusha kwavo.
Baba vemwana uyu, VaDavious Zireni (47) vanotenda Amai Chiwenga naDr Moyo nerubatsiro rwavakapa mukuti mwana uyu aite zvakanaka.

“Takanga tapererwa nekuda kwedambudziko remwana iro rakatanga mugore ra2015. Pfungwa dzekuti mwana akanga aroyiwa dzakatombouya kusvikira tazowana rubatsiro urwu.

“Asi tine chikwereti chemari inodiwa kuzvipatara zvinosanganisira Murambinda neMutare chinokwana $700,” vanodaro.
Amai vaBridget, Nellia Mupangani (46), vanotsinhira vachiti vanofara zvikuru zvichitevera kubatsirwa kwakaitwa mwana wavo.

“Takanga tisisina tariro nekuda kwedambudziko remwana iri, tinotenda Dr Moyo naAmai Chiwenga. Mwana wedu aita zvakanaka, tave kungotsvaga mari yekumudzosera kuchikoro adzidze nekuti anogona zvikuru,” vanodaro.

Bridget — apo aitaura achiri kuchipatara cheChitungwiza Central Hospital — akatendawo kubatsirwa kwaakaitwa.
“Ndinoda kudzokera kuchikoro ndigozoitawo zvidzidzo zvekuva chiremba, hamheno kuti vabereki vangu vachawana here mari yacho,” anodaro.

Dr Moyo vanotendawo bepanhau reKwayedza nekubuditsa nyaya dzevanhu vane matambudziko akadai serange riina Bridget.
Vanoti kuburikidza neKwayedza, kune madzimai ane chitsana aiva nematumbu akazvimba, avo mushure mekubuda mubepanhau rino, vakabatsirwa nekuvhiiwa pachena pachipatara chavo.

Dr Moyo vakavimbisawo kubatsira Bridget nemari yechikoro.
“Tanzwa muno kuti vabereki vemwana uyu vari kutsvaga mari yekuti adzokere kuchikoro, ndinoti ini mari iyi iripo inowanikwa.

“Danho guru mwana uyu arapwa, kudzokera kwake kuchikoro chinhu chidiki,” vanodaro.
Mumwe wemachiremba akabatsira mukuvhiiwa kwaBridget, Dr Edward Tadros, vanokurudzira vanhukadzi nevamwewo vanhu kuti vakurumidze kuenda kuchipatara kana pane panovarwadza.

“Pane zvinoitika zvakawanda munyama dzemadzimai. Saka madzimai mukangonzwa parwadza, mhanyai kuchipatara munoonekwa,” vanodaro.

Kune vanoda kubatsira Bridget vanokwanisa kuridza nhare dzinoti 0777 317 581.

Share This:

Sponsored Links