Uncategorized

Mwanakomana, baba voshungurudza amai

01 Aug, 2022 - 10:08 0 Views
Mwanakomana, baba voshungurudza amai Mambo Makoni

Kwayedza

Lovemore Kadzura

CHEMBERE yekwaMambo Makoni kwaRusape yakanunurwa nedare rashe weko zvichitevera kushungurudzwa kwairi kuitwa kuburikidza nekudzingwa pamba uye kutorerwa midziyo neupfumi nemurume wayo achibatsirana nemwanakomana wake.

Mbuya Alfreda Mbuva vemubhuku raGowakowa vakadhonzera murume wavo, Sekuru Lazarus Mbuva nemwanakomana wavo Charles, kudare raMambo Makoni vachida kuti vaviri ava vadzosere mombe dzavo 24, jenareta nemapombi ekudhonzesa mvura izvo zvakatorwa naCharles pasina mvumo yavo.

Mbuya Mbuva vanoti murume wavo ane hutsinye uye anogara achivadzinga pamba.
Vanoti pavakadzokera kumba mushure mekudzingwa, vakasvikoona kuti murume wavo ainge apa mwanakomana wavo mombe nejenareta pasina mvumo yavo.

Charles anonzi akaramba kudzorera midziyo yaamai vake yaainge atora.
“Murume wangu anoshusha zvakanyanya, kunyanya kana akadhakwa. Anogara achindituka, achindiudza kuti hapana kwandinotaura kubva zvakashaya hanzvadzi yangu makore mashoma apfuura.

“Akatora mombe nejenareta ndokupa Charles pasina mvumo yangu. Vakatengesa mombe mbiri uye handina kuwana chinhu padzakatengeswa asi ndaibatsira zvakanyanya pakudzichengeta.

“Ndinodiridza minda kuburikidza nekutakura mvura nemigomo asi Charles ari kubatirira pajenareta rangu. Murume wangu anoti handina chandinacho. Anondituka pamberi pevaroora nevazukuru vangu,” vanodaro Mbuya Mbuva.
Vachipawo divi ravo, Sekuru Mbuva vanoramba kuti vari kushungurudza mudzimai wavo uye vanoti Mbuya Mbuva havafanire kutaura nezvemombe idzi sezvo dziri dzenhaka yavakasiirwa nababa vavo.

“Vari kunyepa kuti ndinovashungurudza. Ndakawana mombe kubva kuna baba vangu mushakabvu saka havafanire kupindira pane zvandinoita nadzo. Hadzisi dzavo,” vanodaro.

Charles, anove mwana wechishanu mumhuri ine vana vasere iyi, anorambawo kuti ari kushungurudza amai vake.
Zvisinei, anobvuma kuti ari kurambira nemidziyo yavo.
Dangwe raSekuru Mbuva nemudzimai wavo, Wonder, akaudza dare kuti vabereki vavo vakashanda pamwe chete kuti vawane pfuma yavainayo.

“Vakashanda vose semurume nemudzimai kuti vawane midziyo nepfuma yavainayo. Hazvina kunaka kuti mumwe atengese pfuma pasina ruzivo nemvumo yemumwe.

“Kurwa kwevabereki vedu kunotinyadzisa isu vana vavo. Zviri kuitwa naCharles zvinoshungurudzawo nekuti ari kubatana nababa kurwadzisa amai vedu. Baba vangu chidhakwa uye havazive zvavanotaura kana vadhakwa,” anodaro Wonder.

Dare iri rakapa mutongo wekuti Sekuru Mbuva naCharles vadzosere mombe dzaMbuya Mbuva mukati mesvondo rimwe chete.
Charles akanziwo adzosere jenareta nemapombi ekudhonzesa munaNyamavhuvhu apedza kukohwa gorosi rake.
“Muri vanhu vakuru, hatitarisire kuti mugare muchinetsana. Mava nevazukuru uye munoshaya chiremerera kana mukaita upenyu hwekunetsana.

“Hapana anotenderwa kutengesa midziyo asina kubvunza mumwe. Charles uri kuzvisikira moto muziso nekushungurudza kwauri kuita amai vako. Haufanire kutora divi mukunetsana kwevabereki vako.

“Mombe idzi dzinofanirwa kudzoserwa mukati mesvondo rimwe chete uye jenareta rinofanira kudzoswa munaNyamavhuvhu. Endai munogara murunyararo semhuri,” vanodaro Mambo Makoni.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>