NAC yobatanidza gomarara neHIV

21 Oct, 2021 - 10:10 0 Views
NAC yobatanidza gomarara neHIV

Kwayedza

Tadiwa Nyatanga

GUMIGURU mwedzi wekupa chenjedzo pamusoro pechirwere chegomarara.
Zvakakosha kuva neruzivo pamusoro pemhando dzegomarara dzinowanikwa muZimbabwe.
Zvirwere zvinotapuriranwa ndizvo zvakanyanya kuwanda uye zvinonyanya kunetsa muZimbabwe.

virwere izvi zvine zvikamu makumi manomwe nezvina kubva muzana dzendufu kuchitiwo zvikamu makumi maviri nechimwe kubva muzana zvendufu muZimbabwe ndedze zvirwere zvisingatapuriranwe.

Vazhinji vanogona kunetseka kuti sei sangano reNational AIDS Council rave kutarisa zvakadzama nyaya dzegomarara.

Chikonzero ndechekuti muZimbabwe pagore pari kubatwa vanhu zviuru zvishanu negomarara uye pavanhu ava, chiuru nemazana mashanu vari kufa zvakare pagore.
Vanhu vanosvika zvikamu makumi matanhatu kubva muzana vari kubatwa kekutanga negomarara vanenge vaine hutachiona hweHIV.

Tsvakurudzo kubva kuZimbabwe National Cancer Registry (ZNCR), inotaridza kuti huwandu hwevanhu vari kubatwa negomarara huri kuwedzera mumakore mashoma apfuura.
Ruzivo rwuripo runoratidza kuti vanhu vazhinji vemuZimbabwe vanobatwa negomarara vanofa nechirwere ichi kana vakarega kukurumidzwa kurapwa.

Kune mhando dzegomarara dzinowanzobata vanhu vane hutachiona hweHIV uye dzinodyidzana nechirwere cheAIDS.

Mhando dzegomarara dzinodyidzana nedenda reAIDS dzinosanganisira Kaposi Sarcoma, Non-Hodgkins Lymphoma, Primary Central Nervous System (CNS) Lymphoma neCervical Cancer.
Zvisinei, mhando dzegomarara idzi dzinogona kubata munhu asina hutachiona hweHIV. Dzimwe mhando dzinobatawo vanhu vane denda reAIDS dzinosanganisira gomarara remukanwa, repahuro, remuchiropa, reganda, remumapapu, rekunhengo yakavandika inobuda netsvina, resikarudzi neremuura. Mhando dzegomara dzinowanzobata vanhu muZimbabwe ndedzinoti Kaposi’s Sarcoma, remuchibereko neremuzamu.

MuZimbabwe, bazi rezveutano nekurerwa kwevana rakatanga kuita chirongwa chekuongorora zvirwere zvegomarara uye nekuti zvingaderedzwa sei.
Kuvapo kwemhando dzegomarara dzine hukama neHIV kwakaita kuti NAC iite zvakasiyana-siyana mukuongorora nekudzivirira gomarara.

NAC inopa mapiritsi emaAntiretroviral ayo anobatsira zvakanyanya kupora kwevanhu zvinova zvinoderedza huwandu hwevanobatwa negomarara.

NAC yakawedzera zvakare zvirongwa zvekuongororwa kwegomarara kuvanhukadzi vane HIV kuzvipatara zveOpportunistic Clinics munyika.

Kubva muna2012. NAC iri kupa mapiritsi anodzivirira gomarara anosanganisira Bleomycin, Methotrexate, Cisplatin, Doxorubicin nemamwe. NAC inotsigirawo zvakare kuvapo kwezvekuongororesa nemishonga yegomarara nemari inosvika US$$1 miriyoni pagore.

NAC yakatengawo muchina weMammogram nemari inosvika of US$500 000 uyo unoshandiswa kuvheneka gomarara pachipatara cheMpilo Hospital kuBulawayo nedonzvo rekupedza matambudziko ari kusangana nevanhukadzi. Sangano iri rakapa zvakare michina yemaTruscreen gumi nemitanhatu yekuongororesa gomarara kuzvipatara zvakasiyana zviri kumaruwa.

NAC ichaita chirongwa chemutambo wegorofu wekutsvaga mari nemusi weChishanu 22 Gumiguru muHarare kuti pawanikwe mari yekuti vana vane gomarara varapwe.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>