Nadal ozvitemba

29 Jul, 2016 - 00:07 0 Views

Kwayedza

RAFAEL Nadal ari kuzvitemba kuti achange apora panguva yekunokwikwidza kumitambo yeRio Olympics iyo iri kutanga svondo rinotevera kunyangwe hazvo asati ambotamba kubva paakakuvara ruwoko rwake musi wa27 Kurume.Shasha iyi yakahwina mitambo yegrand slam ka14 uye yange isiri kukwikwidza kwenguva refu zvichitevera kukuvara kwayakaita ruwoko kumitambo yeFrench Open izvo zvaizomutadzisa kunotamba kuWimbledon.

Nadal, uyo anove wechina pasi rose pavatambi vanogona mutambo uyu, aitarisirwa kudzoka kuzokwikwidza kuRodgers Cup kuToronto asati aenda kuBrazil svondo rinotevera asi akakundikana pamwe chete naAndy Murray naRoger Federer.

“Ndinovimba kuti zuva rose ringe richifamba zvakanaka ndichigadzirira kuitira kuti ndisvike kuRio ndakagadzirira, kunyangwe hangu ndichiti muhupenyu uhu hamuna zvinhu zvatinoti ndizvo chaizvo zvinoitika,” akadaro Nadal.

“Ndiri kunzwa zvakanaka, ndiri kushanda uye ndiri pakati pekuongororwa ruwoko rwangu. Nguva inotarisirwa kudzokwa kwangu ndiyo chaiyo, pane masvondo maviri asara kuti titange kukwikwidza.”

Nadal, uyo akahwina menduru yegoridhe kumutambo wemaOlympics wakaitirwa kuBeijing makore masere adarika, ari kuda chaizvo kukwikwidza kuRio mushure mekukundikana kuenda kuLondon mugore ra2012 zvichitevera kukuvara kwaainge akaita gumbo rake.

Achatamba zvakare mumitambo yevarume yemadoubles akabatana naMarc Lopez.

“Mitambo yemaOlympics ndeyekungonakidzwa nayo nguva ichiripo,” akadaro.

“Ndinovimba kuti gore rino zvinhu zvichandifambira kwete zvakaitika kuLondon.” — Daily Mail Tennis

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>