Uncategorized

‘N’anga inondishandisira ‘bluetooth’’

29 Sep, 2017 - 00:09 0 Views
‘N’anga inondishandisira ‘bluetooth’’

Kwayedza

Lizzy Mushoriwa —
MUSHURE mekunge murume wake amitisa mwanasikana weimwe n’anga yemunharaunda, mukadzi anoshanda semurairidzi achigara mumusha weNgoni, kuNotorn anoti aoneswa chitsvuku nekupindwa naye pabonde nemurume waanenge asingaone achimushandisira “bluetooth”.

Vanotaura vanoti “bluetooth” kuitwa mukadzi nemunhu achikushandisira mishonga asi iwe usingade kana kuti usingazive. Locardia Masaiti (42) anoti haasisina mufaro muupenyu hwake nekuda kwekungoshungurudzwa siku nesikati.

FREDDY BHAIBHERI

Anoti murume wake, Sebastian Chidzanga, akamitisa mwana weimwe n’anga yemunharaunda inonzi Sekuru Fred Bhaibheri panove ndipo pakatanga dambudziko rake. Zvisinei, Sekuru Bhaibheri vari kuramba nyaya iyi vachiti havana chekuita nedambudziko rakatarisana nemudzimai uyu.

“Dambudziko rangu rakatanga mushure mekunge murume wangu amitisa mwana waSekuru Bhaibheri anonzi Brenda. Kubva ipapo, ndanzwa nekuitwa mukadzi siku nesikati nemunhu wandinenge ndisingaone,” anodaro Locardia.

Mudzimai uyu anoti ave kutogara akaisa mushonga kusikarudzi yake senzira yekurwisa dambudziko iri.

“Dambudziko iri ndinoedza kuripedza nekuisa mushonga kana mapefiyumu kusikarudzi yangu kuti ndisanzwe zvinenge zvichiitika kwandiri. Nemurume wangu hatichasangana pabonde sezvataisimboita kare nekuti anenge achiti ari kurumwa kunhengo yake.

“Izvi ndinofungira kuti zvikwambo, ndizvo zvinomushaisa mukana kuti zviite zvazvinoda neni,” anodaro Locardia.

Anoti murume wake nemwanasikana wen’anga vakatanga kudanana mugore ra2000 ndokupanana mwana iye paaiva kukoreji kuMasvingo achidzidzira kuva murairidzi.

“Murume wangu akatanga kudanana nemwana wen’anga iyi ini ndiri kukoreji apo vakaitisana mwana mukomana. Ndipo pakatanga dambudziko rangu.”

Locardia anoti ane nguva yaanombomuka akagerwa vhudzi rekusikarudzi asi akaudza murume wake anoratidza kushaya hanya nazvo. “Ndakamuka ndakagerwa kaviri kese asi murume wangu kunyangwe ndikamuudza anongoti, ‘Hameno, ndezvako’,” anodaro.

Sekuru Bhaibheri — avo vanotsinhira kuti in’anga — vanoramba mashoko ekuti vane chekuita nedambudziko raLocardia.

“Ini zvamuri kutaura handizvizive, ndine mwana musikana mumwe chete anonzi Susan uye anotogara kwaMutoko uko kwaari kushanda. Zveshuwa ndiri n’anga inosvikirwa neshave renjuzu ndichibva kuMalawi asi amai ava (Locardia Masaiti) ndinovaroyerei hangu? Ndezvekunyepa zvavanotaura, iyi ndiyo muyedzo chaiyo pamusha pangu. Ndinongovazivawo amai ava nekuti tinogara munharaunda imwe chete,” vanodaro.

MINFILDER MASAITI

Amai vaLocardia — Mbuya Minfilda Masaiti (66) — vanoti mwanasikana wavo haasati ambovaudza nezvedambudziko rake rekuitwa mukadzi asingazive.

“Ini handina kumbobvira ndanzwa nezvenyaya iyi, chandinongoziva ndechekuti iye mukuwasha ane mumwe mwana mukomana asi zvekuti mudzimai waakaita naye mwana uyu mwanasikana wen’anga handizvizive. Mudzimai wacho akangouya kamwe chete pano achitoyamwisa mwana wacho haana kuzodzoka.

“Ndinovimba kuti kukwira kweBp yake iyo asiri kuda kunwira mapiritsi ndiko kuri kumudariso. Mwana wangu achatiparira mhosva nekuti kana n’anga iyi ikanzwa izvi zvichamutsa mutauro,” vanodaro.

Zvichakadai, Sebastian Chidzanga, anove murume waLorcadia — uyo anoita basa rekutyaira makombi — anoti mudzimai wake anogara achimuudza nyaya yekuti pane munhu anoshereketa naye iye asingazvizive.

“Iko zvino ndiri kutyaira asi nyaya iyi mudzimai wangu anogarotaura nezvayo,” anodaro murume uyu.

Mwana wake, Yollanda Chidzanga, anopikisanawo nemashoko aamai vake achiti musikana akamitiswa nababa vake haazi mwana wen’anga.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>