Uncategorized

‘N’anga iyoyi inoshereketa’

19 May, 2017 - 00:05 0 Views

Kwayedza

Kingstone Mapupu —
DZIMWE nyanzvi dzezvechivanhu dzinoti tsvina yemunhu inogona kushandiswa nemishonga ichiitiswa mabasa akasiyana sekuvhara mhosva dzakaita sekuti mbavha isabatwe nemapurisa.

Izvi zvinotevera nyaya yemukadzi anoti akachidyiswa tsvina yake neimwe n’anga achinzi iyi inzira yekumurapa dambudziko rake rekubuda ropa risingamire kwemakore matanhatu.

Zvisinei, mudzimai uyu anoti dambudziko rake harina kupera mushure mekunge adyiswa tsvina iyi.

VaCuthbert Nyaruvenda (47) vanogara kuHighfield, muHarare, avo vanoshanda vachiita zvehun’anga nechiporofita panguva imwe chete, vanoti tsvina yemunhu inonyanya kushandiswa nemakororo nemhondi pakuvhara mhosva.

“N’anga iyo yakadyiswa mudzimai uyu tsvina yake iyi imhosva, hakuna kurapa kwakadaro. Ngaamusungise,” vanodaro.

Vanoti mbavha dzikaba dzinosiya dzaitira tsvina panzvimbo yadzaba uyewo mhondi dzinoita zvimwe chete kusiya dzaitira tsvina padyo nezvitunha zvevanhu vadzaponda.

Izvi, vanodaro VaNyaruvenda, zvinoitirwa kuti mweya yevanhu vanenge vaurayiwa isatevere vanenge vaponda ava uye kuti vasasungwe nemapurisa nekuda kwemhosva dzavanenge vapara.

Mashoko avo anotsinhirwa naVaJohnson Musikavanhu (46) vekwaDhonoro, kuEpworth, vachiti: “Tsvina inoshandiswa kuroya kuita kuti munhu asemwe nevanhu kana kuti nzvimbo isemwe zvakaita sekuti muchitoro chemunhu musatengwe. Uyewo munhu akagadzirwa netsvina anosemwa nevanhu sezvinoitwa tsvina,” vanodaro.

Vanoti havashore chiremba wekudyisa munhu tsvina uyu vachiti n’anga yoga yoga ine marapiro ayo.

Share This:

Sponsored Links