N’anga yakabvutirwa ‘simbi’ dzebasa…yakundikana kubhadhara pfambi

01 Oct, 2020 - 11:10 0 Views
N’anga yakabvutirwa ‘simbi’ dzebasa…yakundikana kubhadhara pfambi Hakata

Kwayedza

Gibson Mhaka

N’ANGA yechidiki yekuInyathi, kuMatabeleland North, inonzi yakatorerwa bhegi rayo rainge rizere hakata, mishonga nemimwe midzoyo yebasa rayo nemumwe mukadzi anoita basa rekutengesa muviri apo sangoma uyu akaramba kumubhadhara mari mushure mekusasana vose.

Bhaisikopu repachena iri rakatanga apo n’anga iyi iyo inongozivikanwa saHlongwane yakaramba kubhadhara mukadzi uyu mari yake zvikaita kuti abvute bhegi kana kuti nhava yake iyo aivhaira nayo achiti ndimo mune mishonga inorapa zvirwere zvose.

Nyaya iyi yaitika pajekerere nemusi weSvondo wadarika.

Mumwe ari kuziva nezvenyaya iyi anoti Hlongwane uyo anozvikanwa zvikuru munharaunda nekutsvaga vanhukadzi vekusasana navo kana achinge awana mari akabvumirana nemusikana uyu kuti aizomubhadhara US$10 kana vachinge vasasana zvenguva pfupi.

Zvisinei, mukadzi uyu anonzi akazoti aida kubhadharwa US$15 mushure mekusasana uku achiti ainge amupa rudo rwakawandisa.

“Nyaya yakazokora muto apo n’anga iyi yakaramba kubhadhara US$15 yaidiwa nemukadzi uyu. Akambenge anzi abhadhare US$10 kana vachinge vasasana zvenguva pfupi, asi mushure mekusanana uku, mukadzi uyu akaramba kutambira mari iya achiti yaive yawedzerwa sezvo ainge amupa rudo rwakadarika mwero rwunosanganisira kumunanzva.

“Kuramba kwaakaita kubhadhara mari iyi kwakaita kuti mukadzi uyu abve amubvutira nhava kana kuti bhegi rake iro raive nehakata nemimwe mishonga.

“Mukadzi uyu akazoshevedza vamwe vake avo vakauya vachibva vaunganira n’anga iyi vachiipomera mhosva yekusatenda kusasana kwavainge vaita.

“Zvinhu zvakatodzikama apo n’anga iyi yakavimbisa kuzobhadhara mari yaidiwa nemukadzi uyu,” anodaro mumwe anoziva nezvenyaya iyi uyo akakumbisa kuti zita rake risaburitswe achitya kuzooneswa ndondo.

Anoti n’anga iyi yakashaya pekupinda nenyadzi nekuda kwechiitiko ichi.

“Akashaya zvekuita, akambotyisidzira mukadzi uyu achiti anogona kumukanganisa kusikarudzi yake nemishonga asi zvakakona,” anodaro. Kwayedza haina kukwanisa kutaura nen’anga iyi sezvo yakadaira nhare yayo ichibva yaidzima apo yakanzwa kuti munyori uno aida kunzwa nezvenyaya iyi.

Share This:

Sponsored Links