NBSZ yoda ropa rakawanda

02 Dec, 2020 - 15:12 0 Views
NBSZ yoda ropa rakawanda Advocate Matsikidze

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

SACHIGARO weNational Blood Services Zimbabwe (NBSZ), Advocate Rodgers Matsikidze vanoti vari kutsvaga dzimwe nzira itsva dzekuti vanhu vakuru vakawanda vapindewo muchirongwa chekupa ropa, zvikuru munguva ino apo nyika iri kurwisa denda reCovid-19.

Vakataura mashoko aya pamusangano wepadandemutande uyo vakaita nevatori nenhau nemusi weChishanu svondo rapera.

“Tinofara zvikuru kuti vanhu vakuru vakawanda vava kupinda muzvirongwa zvekupa ropa izvo zvichabatsira kuti mizinda yedu yeropa igare iine ropa rakakwana. Ticharamba tichiita zvirongwa kumatunhu ose enyika kuitira kuti tive neropa rakawanda, zvikuru panguva ino yeCovid-19 uye sezvo tadongorera nguva inowanza kuwanda tsaona dzemumugwagwa yezororo reKirisimasi negore idzva,” vanodaro.

Izvi zvinotevera mashoko anoti gore rino NBSZ ine ropa rechikamu che50 percent.

“Zvichitevera kunyuka kweCovid-19, takaona kuti panogona kuzosvika zvekare imwe nguva apo veruzhinji vanombomiswa kufamba zvigogona kuita kuti tikundikane kuwana vanhu vanopa ropa panguva imwe chete. Saka tinokurudzira vechikuru kuti vabatsire mukupa ropa kuitira kuti risashomeke,” vanodaro.

Adv Matsikidze vanoti sangano ravo richaronda vamwe vevanhu vaimbopa ropa kare vachiri vadiki avo pari zvino vave vechikuru kuti varambe vachiritsigira neropa.

“Tiri kuumba mapoka evanhu vanopa ropa (Blood Donor Commitees) kumatunhu uye tichishanda nehutungamiriri semadzishe nevemachechi kuitira kuti munhu wose azive kukosha kwekupa ropa. Tiri kuitawo mitambo sekumhanya kana kufamba apo tinenge tichikusha mashoko.

“Tinofara kuti kunyangwe munguva yelockdown, vanhu vanga vachipa ropa uye tichivawanisa mashoko pamasaisai sepaFacebook.”

Muzvare Lucy Marowa, vanova chamangwiza weNBSZ vanoti havachangomiriri kuwaniswa ropa nevana vechikoro bedzi, asi kuti vava kuda kuti pavewo nevanhu vakuru vari muzvirongwa izvi.

Share This:

Sponsored Links