Ncube, Makombe vokunga zvibhakera

07 Mar, 2024 - 20:03 0 Views
Ncube, Makombe vokunga zvibhakera Ndodana Ncube

Kwayedza

Abel Ndooka

VATAMBI vetsiva vaviri vari kusimukira — Ndodana “The Black Hammer” Ncube naFarai “The Hurricane” Makombe — vari kutarisirwa kuenda kuMalawi kupera kwemwedzi uno uko vachanorwa naIsrael “Money Machine” Kamwamba naCharles “Baby Face” Misanjo.

Ncube, uyo anorwa muboka relightweight, acharwa naKamwamba kuchiti Makombe uyo anorwa muboka resuper-bantamweight acharwa naMisanjo.

Maneja wevatambi vaviri ava, Clyde Musonda weDeltaforce Boxing anoti Ncube naMakombe vane chiedza chakanaka mune remangwana ravo mutsiva naizvozvo ari kushanda navo achivasimudzira.

Anoti vakanokwanisa kuhwina mitambo yavo yekuMalawi zvichavabatsira zvikuru kuti vagosimukira mutsiva.

“Vatambi vemuchikwata chedu Ndodana Ncube naFarai Makombe tiri kuvatumira kuMalawi kupera kwemwedzi uno uko vachanorwa nevekuMalawi vanoti Israel Kamwamba naCharles Misanjo.

“Ncube acharwa naKamwamba, kuchiti Makombe acharwa naMisanjo

Farai Makombe

“Mitambo yavo iyi yakakosha zvikuru nekuti ichabatsira Ncube naMakombe kuti vasimukire mutsiva. Chinangwa chedu ndechekuti vawane mikana yekurwira mabhande etsiva akasiyana saka vanofanirwa kuhwina mitambo yakaita seiyi yakawanda.

“Ndinofara hangu kuti vatambi vedu ava vari kushanda nesimba mugadziriro dzavo vakatarisana nemutambo uyu naizvozvo tinovimba kuti vachanotamba zvinonwisa mvura vohwina,” anodaro Musonda.

Ncube kubva atanga zvetsiva, akwanisa kutamba mitambo 14 ndokuhwina mipfumbamwe achikundwa mishanu kuchiti Makombe atamba mitatu ndokuhwina yese.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>