Uncategorized

Ndaita mari: Pfambi

29 Dec, 2016 - 00:12 0 Views
Ndaita mari: Pfambi

Kwayedza

‘Ndine hari izere  mbeu yevarume’

MUKADZI shoroma anogara mumusha weBorrowdale, muHarare, ari kuita kuganza chaiko achiti aita mari nembeu yevarume VOSE vaanoshinha navo – iyo yaanokohwa, oichengeta mukadende kanogara kazere kari muzihari umo inozodyiwa nezvidhoma nenyoka semhiko dzake.Mukadzi anozviti ipfambi yemakoko uyu – uyo anobheja kuti apedza varume, kusanganisira dzimwewo shoroma dzekuBorrowdale ikoko – anoti chake bedzi kutora mbeu kuvarume vaanoshereketa navo pachena, iyo yaanonochengeta ichipota ichidyiwa nezvidhoma zvake semhiko dzekuita mari.

Mukadzi pfambi uyu, uyo akangozviti anonzi Shylet (40) uye ndokukumbirisa kuti mufananidzo wake usabude muKwayedza nechikonzero chekuti “ndinoda kuchengetedza basa nemabhizimisi angu” anoti akanotora mishonga yekuita mari kuimwe n’anga yekuMozambique chipo chemakore 20 adarika.

Kubva ipapo, anoti zvinhu zvakabva zvanyatsomufambira.

Shylet anoti akafirwa nevabereki vose aine makore gumi okuberekwa izvo zvakamupinza muchipfambi. Akazochengetwa naambuya vake apo akatanga kuita zvechipfambi ava nemakore 15 okuberekwa.

Shylet, uyo kumusha anobva kwaMutoko, anoti akatanga achinohodha mabhero embatya kuMozambique achizotengesa muno.

Anotizve akazosangana neshamwari yaiitawo basa rimwe chete iri, iyo yakazoenda naye kun’anga yekuMozambique yakamupa mushonga wekuita mari.

“Shamwari yangu iyi yakaenda neni kun’anga uko iyo yakanga yagadzirwa kuti bhizimisi rayo ribudirire. Ndakapihwa mishonga, kadende nehari hombe izvo ndakanzi zvinogara muimba yazvo zvoga umo ndinopinda ndichideketera,” anodaro.

Pose paanopedza kudeketera, Shylet anoti anozongoona “tub” iri mumba maanogezera yazara mari.

Shylet anotizve akapihwa mhiko dzekuti asaroorwe kana kuita mwana asi kuti anopota achitora mbeu yevarume vaanoshereketa navo iyo yaanoshandisa mukuti apfume.

Anoti akanzi anofanirwa kushinha nevarume achizotora mbeu yavo achiisa mukadende ako anogarisa muhari inovharwa nemachira matsvuku neegreen yakamonerwa chuma.

Mbeu yavarume iyi inozodyiwa nezvikwambo nezvidhoma zvichizoita kuti iye aite mari yakawanda zvikuru.

“Mari ndinayo kwete zvekuseka. Imba yangu yekuBorrowdale ine 13 rooms plus ndine dzimwe dzimba. Zvose zvakabva mukuromba kwandakaita.”

Shylet anoti akanzi nen’anga mushure memasvondo maviri atanga kuita mari, aifanirwa kuzodzokera kuMozambique kunodzosera imwe yemari yacho nekuita mabiko. Izvi anoti akatadza kuzviita nekunakirwa nemari.

“Ndadzoka, ndakasvikotanga kuita izvi ndokuisa hari iyi mumba mainogara yakavharirwa musingavhurwe.

‘‘Varume vose vandinosasana navo vanoshandisa makondomu ayo ndinotora ndichidururira mbeu yavo mukadende ako kanofanirwa kugara kakazara. Mbeu iyi inouya ichidyiwa nezvinhu zvakasiyana zvinoita kuti ndiite mari,” anodaro.

Anoenderera mberi achiti: “Ndakazotadza kudzokera nemari mumasvondo maviri aidiwa ndokuzoenda pava paya. N’anga iya yakasvikoramba kutambira mari iyi nekundiitira mabiko ichiti ndakatyora mhiko. Kusvikira nanhasi handina kuzodzokera.

“Ndinowana mari yakaungana mutub mandinogezera zuva nezuva. Panoungana mari iyi, ndikazoenda kunotarisa mbeu

yevarume mukadende kaya, ndinowana yadyiwa yasvika pakati nepakati.”

Shylet, uyo akanozvipira kubuda pachena pachirongwa cheTilder Live chinoitwa panhepfenyuro yeStar FM nemusi weChipiri manheru, anoti haakwanise kuona zvinodya mbeu iyi asi ane chokwadi chekuti zvikwambo.

“Mari ndinayo yakawanda zvikuru. Ndine vashandi vangu uye hama dzangu dzinongondishanyira bedzi asi dzisingagare neni. Ndine dzimwe dzimba dzakawanda muHarare nekuSouth Africa nemotokari zhinji.

“Asi dambudziko randava naro nderekuti hama hadzichandida uye ndava kuda kusiya zvemishonga izvi, ndiroorwe ndiitewo vana. Zvino mhiko dzacho dziri kuzviramba. Ndokusaka ndiri kuti vanhu veZimbabwe ndibatsireiwo,” anodaro.

Vachitaura nezvenyaya ino, Sekuru Elisha Mutanga, avo vanove chiremba wechivanhu anoshanda ari pasi pesangano reZinatha, vanoti varume vose vane mbeu inoiswa mudende nemukadzi uyu vanoshandiswa nezvikwambo.

“Varume vose vanoita munyama wekushinha nemudzimai uyu vachitorwa mbeu yavo vanogumisirawo vave kushandiswa nezvikwambo zvemukadzi uyu. Varume ivava havazogona kuramba mudzimai iyeyu uye mari yavo inoenda kwaari ivo vogumisira vave marombe,” vakadaro.

Kune vanoda kubatsira Shylet vanogona kuridza nhare panhamba dzake dzinoti 0773 188 290.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>